Vashanu vasungirwa mbanje inorema 6 663kgs

Kingstone Mapupu

MADZIMAI maviri nevarume vatatu vakasungwa nemhosva yekuwanikwa vaine mbanje inorema 6 663 kgs iyo vanonzi vaitengesera vanhu mudhorobha reChinhoyi nenzvimbo dzakapoteredza.

Vasungwa ava ndiNewton Zata (43) wepanhamba  14171 kuBrundish kuChinhoyi, Shadreck Chakwizira (32) wepanhamba 5486  kuWhitecity kuChinhoyi, Chenai Homani (25), Tsitsi Mushonga (38) wepanhamba 8347 kuRuvimbo Phase 2 kuChinhoyi naBrighton Alufasi (40) wepanhamba 458 kuChikonohono kuChinhoyi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland, West Inspector Ian Kohwera, vanoti nemusi wa13 Kukadzi, mapurisa eZRP Makonde District – avo vaisanganisira Assistant Inspector Mukwirimba, Detective Sergeant Muchekayawa, Sergeant Marimirofa, Constable Nyangenga, Constable Makandeni naConstable Purazini – vakawana mashoko ekuti Newton Zata nechikwata chake vaitengesa mbanje nezvimwe zvinodhaka kuvagari vekuHunyani, kuChinhoyi nenzvimbo dzakakomberedza.

“Mapurisa, vachishanda nemashoko aya, vakabva vanogarira mumugwagwa ndokumisa motokari yerudzi rweHonda Fit ine nhamba dzinoti AFM 9683 yaityairwa naShadreck Chakwizira umo maivawo naNewton Zata naChenai Homani. Pakusecha mumotokari umu, makawanikwa mbanje yairema ma2 063 kgs,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti chikwata chemapurisa aya vakazoenda kudzimba dzevanhu ava uko vasina chavakanowana.

“Pakuenderera mberi nekuita tsvakurudzo yekufeya, zvakazoonekwa kuti imwe mbanje yakanga yaendeswa kare kumba kwaTsitsi Mushonga nekwaBrighton Alufasi uye mbanje yose iyi ichibva yawanikwa ikoko. Mukufeewa kwenyaya iyi zvakaonekwawo kuti imwe yembanje iyi iri kubva kunyika yeSwaziland nekumwe kwakasiyana,” vanodaro Insp Kohwera.

Mbanje yose yakwanikwa kuvasungwa vashanu ava inorema 6 663kgs.

Vanoti nyaya yevasungwa ava iri kufambira mberi nekufeewa kuchitsvagiwa vamwe vavanodyidzana navo uye nekuzoendeswa kumatare edzimhosva nekufamba kwenguva.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *