Muvakidzani akarumwa vachirwira sitendi

Lizzy Mushoriwa

VAVAKIDZANI vaviri vakatsvukisirana maziso mudare nenyaya yesitendi iyo yavanogara vachirwira, mumwe nemumwe wavo achiti ndeyake.

Ronald Foroshika akaendesa Tatenda Kufa kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumushaisa rugare uye kuvaka pasitendi yake.

“Amai ava vakavaka imba pasitendi yangu, sitendi iyi ndakaiwana kuCity Council muna2006 ivo ndokuvaka muna2015. Saka zvino vave kutadzisa vavaki vangu kuvaka uye vanorasa zvinhu zvangu zvekuvakisa,” anosaro Foroshika.

Anoenderera mberi achiti, “Vanoti sitendi iyi vakaitengeserwa nemumwe munhu, takamborwa nenyaya iyi vakandiruma pachipfuva.

“Ndikasvika pamba apa iye neshamwari dzake vanondituka saka ndinoda kuti vamiswe kuita izvi ini ndivake pasitendi yangu pasina kuvhiringidzwa.”

Kufa anoti pamba paari kugara ndepasekuru vake.

“Ini handimushungurudze kana, pamba apa ndepasekuru vangu. Ini ndinogara pa3470 iye pa3469 uye anoti ndibve apa asi iye ane pamba pake. Anouya kumba kwangu achindishungurudza zvekuti akatopaza juraworo rangu. Ndiye anotondishungurudza nekuti murume wangu pari zvino ari kurwara,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Foroshika gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *