Muzukuru odzinga ambuya

Ashley Muchamiri
VANHU vaive mudare vakakahadzika apo ambuya nemuzukuru vakatsvukisirana maziso vachikakavadzana nekuda kwenyaya yemba yakasiiwa nemushakabvu.

Ellen Steven akamhan’arira muzukuru wake Tinotenda Mutandwa kuHarare Civil Court achiti ari kumurwisa pamba pake achiti ndepasekuru vake mushure mekunge murume wake ashaya.

“Muzukuru uyu akauya mazuva akarwara murume wangu gore rakapera asati ashaya. Pakafa murume wangu, akatanga kuti ndinofanira kubva pamba apa achiti imba yasekuru vake,” anodaro.

Steven anoti Mutandwa ari kubvisa mbatya nemidziyo yevana vake neyemunin’ina wake waanogara naye mumba achiti anoda kuisa maroja.

“Ari kubvisa mbatya nemidziyo yevana vangu achiti ndibve iye awane kuisa maroja muimba yangu,” anodaro.

Steven anoti imba iyi akaivaka oga uye Sekuru vaMutandwa vakazouya kuzogara naye mushure mekunge arambana neaimbove murume wake.

“Imba iyi ndakaivaka ndoga uye sekuru vake vakazouya kuzongogara neni mushure mekunge ndarambana nemurume wandaiva naye. Hapana chavakavaka pamba pangu,” anodaro.

Mutandwa anoti imba iyi ndeyasekuru vake nekuti pavakazofa, Steven akanga avatiza uye abvisa midziyo yake.

“Handibvi pamba apa nekuti imba iyi ndeyasekuru vangu. Ambuya ava vakange vatiza pamba apa mazuva airwara sekuru vangu uyezve vatora midziyo yavo,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Steven gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *