‘Ndakakuti uri muroyi nekuti wakandiruma’

Tatenda Shuro
MADZIMAI maviri anogara kuGlen Norah C, muHarare – avo anove vavakidzani – vakakandirana mashoko makobvu nematete mudare mumwe achiti akanzi muroyi uye haagone kupfeka mbatya dzinoenderana naye sezvo achipfeka sechembere.

Florence Usare akamhan’arira Anna Chitiyo kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa ndondo. “Mambo wangu, ini naChitiyo taimbogara pamwe chete, asi iko zvino ave muvakidzani wangu uyo andishaisa rugare. Vanonditi ndinoroya, ndini ndakakonzeresa rufu rwemwana wangu uye vanofamba vachinditi handigone kupfeka, ndopfeka sechembere,” anodaro Usare. Anoenderera mberi achiti, “Amai ava ndinoda hangu vamiswe kundituka, kundinanga huroyi hwandisina uye kundirova.

“Vakatopedzesera kundirova musi wa12 Kukadzi gore rino ndikatonomhan’ara kumapurisa. Handizive kuti sei vachidaro uye pataitogara pamba pamwe takatomborwa kamwe chete,” anodaro Usare. Achipawo divi rake, Chitiyo anopokana nechikumbiro chaUsare.

“Ndinopokana nechikumbiro chavo ini nokuti patakarwa ndiye akatondiruma ndokusaka ndakazomuti muroyi zvikatoita kuti ndinomhan’ara kumapurisa uko vakambosungwa. Mambo wangu, ndainge ndisingazive kuti munhu muroyi imhosva asi nokuda kwezviito zvaamai ava, ndaingozvitaura,” anodaro. Mutongi Noah Gwatidzo akapa Usare gwaro redziviriro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×