Mwana opemha rubatsiro

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekubhuku raGwaku, kwaMambo Munyama, kwaMutare ari kutsvaga rubatsiro rwewiricheya, chikafu uye mari yekurapisa mwana wake uyo akabarwa akaremara mitezo.
Mai Jane Manjoro (44) vanoti muviri wemwana wavo, Takunda Munyama (15), hausi kukura zvisinei nezera rake.

“Mwana uyu anofema nemukanwa sezvo mhuno yake yakabarwa isingashande, haataure kana kufamba.
“Mwana uyu ndakamubara musi wa21 Chikumi 2007 uye utano hwake hahuna kumira zvakanaka, haataure kana kufamba uye anorara nedivi rimwe chete. Rumwe rutivi rwake rwekurudyi rwava kuramba rwuchizvimba asi pachiita zvinhu zvakaomarara kunge mabhonzo nekudaro anofanira kugara achivhenekwa nemachiremba.

“Ane mhando yechikafu chaanofanira kudya, zvikuru kudya kwakareruka kwatinoita zvekumunwisa sebota, mahewu nezvimwe. Zvekare, ane mapiritsi aanofanira kunge achinwa kuitira kuti muviri wake usaomarara sezvauri kuita izvi asi nekuda kwekushaya mari, mitezo yose kubvira mbabvu, maoko nemakumbo zvatooma,” vanodaro.

Mai Manjoro vanoti vakamboenda kuchipatara nemwana wavo makore mashanu adarika vakanzi vauye neUS$21 yekurapwa inova yavakashaya sezvo ivo nemurume wavo vasingashandi. “Kubvira ipapo, takangogara kumba nemwana. Mwana uyu atova nemakore 15 ekuberekwa asi muchimuona anoratidza kunge munhu ane makore mashanu nekuda kwekuti haasi kunwa mapiritsi anoita kuti muviri wake unge uchikura zvakanaka uye kudya chaiko kuri kutinetsa.

“Ndine vamwe vana vatanhatu vandinochengeta uye vatatu vavo havasi kuenda kuchikoro nekuda kwekushaya mari,” vanodaro.

Vangada kubatsira mwana uyu vanobata Mai Manjoro panhare dzinoti +263 7773 60 591.
Mai Manjoro vanotiwo havana pekugara pakanaka sezvo vachishandisa kamuri imwe chete semhuri inova yekubikira nekurara.

“Mwana uyu haadi hutsi nekuti kana tikange tobika nemoto wehuni kumusha kuno kwatinogara anotanga kukachidzwa zvakanyanya achitadza kufema. Upenyu hwakandiomera nekuti handichakwanisa kana kuenda kumisika kunotengesa sevamwe nekuti mwana uyu anenge achida kugara akatariswa sezvinoitwa vacheche.

“Makore 15 tichimubvisa manapukeni pamwe nekumubereka kumusana. Zvino kumubereka kuya kwava kurwadza nekuti ava kumera bonzo rakakura pambabvu pake. Kudai tawanawo rubatsiro rwewiricheya nekuti arapwe pamwe zvaiita nyore. Manapukeni hatina kana mapamper saka tinoshandisa mbatya dzakasakara,” vanodaro Mai Manjoro.

Related Posts

SCOTTLAND, KAIZER CHIEFS DHUMA-DHUMA

Langton Nyakwenda SHASHA yeCastle Premer Soccer League, Scottland, ichaona kusimba kwayo maringe nekutamba mitambo yepasi rose apo ichabandana neKaizer Chiefs yekuSouth Africa mumutambo weToyota Cup munguva pfupi iri kutevera. Chiefs…

MaMighty Warriors achine basa guru rekuita

Tadious Manyepo ari kuNDOLA, Zambia ZIMBABWE nomusi weChipiri manheru yakataridza kuti ichine basa guru rekuita zvichitevera kukundwa kwayakaitwa neZambia mufainari yemutambo we4Nations Women’s Championship muLevy Mwanawasa Stadium kuZambia. Pane musiyano…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×