Vakaponda mwana (4) kuti varoorane

Luthando Mapepa ari kuCHIPINGE

MUKADZI nechikomba chake vekuChipinge vari kunzi vakafurirana kuuraya mwanasikana wemukadzi uyu aive nemakore mana okuberekwa uyo waakaita nemumwe murume nechinangwa chekuti vakwanise kuroorana.

Langton Sithole (30) wekubhuku raCharurwa naViolet Chabvukwa (36) wekwaChikwanda kwaMambo Mutema vakatosungwa vachipomerwa mhosva yekuponda Blessing Mabhejo.

Vaviri ava vanonzi vakafurirana kuti vavigiridze humhondi uhu nekunyepera kuti zviite sekuti mwana uyu aive anyura mudhamu achibva afa.
Svondo rapera, vakamiswa pamberi pemutongi Elizabeth Hanzi wedare reChipinge Magistrates’ Court vakatarisana nemhosva yekuponda.
Vachadzoka mudare munguva pfupi inotevera apo vanenge vari mutirongo uye kana vachida bhero vakanzi vanokumbira kudare guru reHigh Court.
Zvinonzi Sithole akati haakwanise kunge achiroora Chabvukwa nekuda kwemwana wake uyu waakaita nemumwe murume.
Muchuchusi Thulani Zondwayo anoudza dare kuti, “Sithole naChabvukwa vange vave kuda kuroorana asi mhuri yaSithole yakaramba kutambira wanano iyi nekuda kwemwana waChabvukwa waakabva naye kune mumwe murume.”

Muchuchisi Zondwayo anoti nemusi wa30 Chivabvu, vaviri ava vakatora mwana uyu ndokuenda naye kudhamu riri pedyo nekwavanogara vachibva vamuponda.

“Sithole anoti apo vaive padhamu iri, akatsikirira mwanasikana uyu pasi achibva amupfumbira nebhodhoro repurasitiki kusvikira afa.
“Mushure mekunge vaita zvavaida, Sithole akabvisa blouse remwana wake achibva arikanda pamusoro pemutumbi wake kumahombekombe kwedhamu vachibva vabva panzvimbo iyi.”

Zvisinei, matikitivha achitungamirirwa naDetective Assistant Inspector Emmerson Ziki, Detective Sergeant Kasora naDetective Sergeant Antonio vakanyeverwa nezvenyaya iyi vachibva vaenda panzvimbo iyi kunoferefeta.

Vakasvikoona mutumbi wemwana uyu usiri mumvura wese asi chidimbu chikava chiratidzo chekuti pane zvisina kunaka zvainge zvaitwa kuti mwana uyu azofa.

Mukuferefetwa kwenyaya iyi, Sithole naChabvukwa vakabva vasungwa.

Magwaro ari mudare anoratidza kuti Sithole ari kubvuma kuti akauraya mwana uyu.
“Ndinobvuma mhosva yandiri kupomerwa. Ndaidanana naViolet (Chabukwa) anova amai vemwana uyu ave mushakabvu. Ndakaudza Violet kuti hazvaiita kuti tiroorane sezvo vabereki vangu vasinganditendere kuroora mukadzi ane mwana waakabva naye kune mumwe murume.
“Nemusi wa30 Chivabvu, takafurirana kuuraya Blessing. Ndakaenda kudhamu ndokubva ndagara pamudhuri wedhamu iri. Violet akauya nemwana uyu akamubata achibva agara pedyo neni. Ndakatora bhodhoro repurasitiki raive nedovi rakapera ndichibva ndavhara mhuno nemuromo zvemwana uyu kusvikira apfumbirwa achibva afa,” anodaro.

Sithole anoenderera mberi achiti, “Ndakazotora tauru randakange ndinaro ndokupa Violet kuti apukutise ropa raibuda mumhuno maBlessing. Takabvisa blouse raBlessing tichibva tariisa pamusoro pemutumbi wake kumahombekombe kwedhamu apo makumbo ake aive ari mumvura.”

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×