Munyori weKwayedza
MWANAKOMANA ane makore 13 okuberekwa wekwaSabhuku Muvi kudunhu raMambo Nemangwe, kuGokwe South akafa mushure mekumonywa mutsipa nemumwe murume apo aifamba nenzira yemusango achienda kuchigayo aine vanin’ina vake vana (4).
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti akapondwa anonzi Brian Urawa uye Arnold Muchenjekwa (22) ndiye ari kupomerwa kupara mhosva iyi.
“Tine nyaya iri kufeewa nemapurisa eZRP yemukomana akapondwa nekumonywa mutsipa, Brian Urawa, uyo akabva pamba nevanin’ina vake vana nemusi wa17 Gunyana gore rino nenguva dza1700 hours vakatakura masaga avo maviri aiva nechibage ndokuzosangana naArnold Muchenjekwa anobva mumusha mumwechete navo,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti Muchenjekwa akasvikotanga kubvunza vana ava kuti vaiziva here munhu aitengesa mombe kunharaunda yavo iyi, izvo vanonzi vakapindura kuti hapana munhu wavaiziva aitengesa mombe. Murume uyu anonzi akazokumbira kuna Brian kuti amutakurire saga rechibage apo akabvuma kubatsirwa.
“Muchenjekwa akatanga kufamba akatakura saga iri kwechinhambwe chidiki ndokuzogumisira agaridzika pasi pasina chikonzero. Brian Urawa akazokumbira kuti achitora saga rake azvitakurire sezvaakanga akaita pekutanga, izvo Muchenjekwa akarambira naro zvakaita kuti vasare kumashure vari vaviri vamwe vana vanin’ina vaBrian vachifambira mberi nemugwagwa unoenda kuchigayo,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti Muchenjekwa akatora mukana wekuti vanin’ina vaBrian vakanga vaenda uye vave kure apo akazotanga kumurwisa achimudzipa nekumumonya mutsipa kusvikira afa.
“Vanin’ina vaBrian vanonzi vakaona kurwiswa kwaiitwa mukoma wavo vari kure zvakaita kuti vamhanye kuenda kuchigayo uko vakasvikozivisa mugaisi chiitiko ichi. Mugaisi uyu akabvawo azivisa vagari vemumusha avo vakabva vaungana ndokuenda kunobata Arnold Muchenjekwa asati aenda kure,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa Muchenjekwa achibva asungwa.
“Mutumbi wemwana uyu wakazotakurwa nemapurisa kuendeswa kumochari yechipatara cheGokwe South District Hospital kuongororwa nanachiremba.
“Nyaya iyi inosuwisa zvikuru sezvo mwana uyu aiva nekodzero yekuraramawo sevamwe vanhu pasina kuganhurirwa upenyu hwake panzira. Kune vachazoda kupara mhosva dzakadai, ngavazive kuti mapurisa akavamirira nematare edzimhosva uye vanopihwa zvirango zvemhosva dzavo zvakasimba,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti semapurisa vari kushushikana zvikuru nekuwanda kwemhosva dzekurwisana vanhu vachikuvadzana nekupondana.




