Mwanakomana wekuvharirwa mumba kwemakore 3 ashaya

Muchaneta Chimuka

MWANAKOMANA ane makore 16 okuberekwa wekuChitungwiza, uyo ane nyaya yakambobuda mubepanhau reKwayedza munguva pfupi yadarika achinzi ainge achivharirwa mumba kwemakore matatu adarika nababa vake vachibatsirana nemudzima wavo, ashaya.

Mwana uyu, uyo anonzi akasvika pachidanho chekudya tsvina yake nemamwe marara aive mumba nekuda kwenzara zvichitevera kushungurudzwa uko aiitwa,  akashaya nomusi wa17 mwedzi uno.

Akanga achiri muchipatara cheChitungwiza Central Hospital umo  airapwa uye kuchengetwa akamirira kuti azoendeswa kumisha inochengeta nherera nevana vasina vachengeti.

Akagara muchipatara umu kwenguva ndefu sezvo painge pasina musha wainge wati wazvipira kumutora panguva iyoyo.

Mutauriri wechipatara ichi, Mai Audrey Tasaranarwo, vanotsinhira kuti mwana uyu akashaikira pachipatara chavo numusi wa17 mwedzi uno.

Baba vake, avo vane makore 45 ekuberekwa  nemudzimai wavo, vakapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 20 pamumwe nemumwe wavo pamhosva yekushungurudza mwana uyu panyama nepamweya apo vakamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Court, VaDennis Mangosi.

Mwana uyu akatanga kuvharirwa mumba aine makore 14 ekuberekwa uye chikonzero chekuita izvi hachina kupirwa kudare.

Mutongi Mangosi vakatanga vavapa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 24 pamumwe nemumwe wavo asi vakazovabvisira mwedzi mina pachirango ichi nechitsidzo chekuti havafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati apfuura.

Muchuchisi Shamiso Charmaine Mwapangira vakaudza dare kuti kubvira mugore ra2022 kusvika nomusi wa6 Chivabvu gore rino, baba ava nemudzimai wavo vaivharira mwana uyu mukamuri yemba ine tsvina vachimurambidza kufamba kana kumuwanisa chikafu.

Vanonzi vaimunyima chikafu zvekuti akasvika pachidanho chekudya tsvina yake nemamwe marara aaingonhonga mumba maainge akavharirwa umu zvakonzera kuti awondoroke zvakanyanya.

Dare rakati vaviri ava vakashaya mwoyo wekubereka apo vakakundikana zvekare kunyangwe kumuendesa kuchipatara mushure mekuona kuti utano hwake hwainge hwaderera zvikuru.

Munguva zhinji, baba ava nemudzimai wavo vaisiya mwana uyu ari mumaoko asisi vake ane makore 23 okuberekwa, anova munhu asingakurumudzi kubata zvinhu.

Hutsinye hwavo uhwu hunonzi hwakakanganisa mwana uyu pautano hwake nehwepfungwa sezvo akashungurudzika zvakanyanya apo vaimubata hunhapwa kunge musungwa.

Vaviri ava vakatongwa pasi pechikamu chemutemo unoona nezvekuchengetedzwa kwevana ( ill – treatment or neglecting of children and young persons as defined in Section 7 (1) of the Children’s Act Chapter 06).

Nyaya iyi inodyidzana neimwe yakamboitika munharaunda imwe chete apo mumwe mudzimai wekuZengeza, uyo anopinda chechi yechipositori, akavharira mwanakomana wake, Grant Mashasha, mumba kwemakore 14 azere.

Gure iri rakazofumurwa neveruzhinji zvakaita kuti mudzimai uyu asungwe ndokuzoendeswa kumatare edzimhosva.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×