Kingstone Mapupu
MHURI inogara kuMabvuku, muHarare inoti ine dambudziko remwanasikana ane makore 19 ekuberekwa uyo anonzi anoita tsvina yake ogumisira ava kuidya uye izvi zvave nemakore akawanda zvichitika.
Dambudziko iri rakatarisana naMai Angeline Mukodzeri (38) avo vanoti vatambura nemwanasikana wavo uyo akaberekwa mitezo yake isina kuita zvakanaka.
“Mwana uyu mumwe wevana vangu vaviri. Vana ava ndakavabereka neaiva murume wangu, Norest Mazinyani, uyowo akazonditiza nekuda kwedambudziko iri, takazorambana ndikaroorwawo nemumwe murume wandinogara naye pano pamba, ndinotenda kuti akanditambira nevana vangu kusanganisira anorwara uyu,” vanodaro Mai Mukodzeri.
Vanoti mwanasikana uyu vaimboenda naye kuzvipatara asi vakazokundikana kuramba vachienda nekufamba kwenguva.
“Ndakaroorwa nemurume wangu wekutanga uyu tichigara kwaGozo kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa uko ndakabatsirwa nevana vangu vaviri ava. Nekuda kwekuti ndinorarama nekupemha, ndinombobuda mumba ndichinoitawo mabasa emaricho, ndinoisa mwana uyu pawiri cheya ndichikumbira rubatsiro kune vanofamba nedzimota,” vanodaro Mai Mukodzeri.
Vanoti mwana uyu haataure uyewo anotambudzika kufamba.
“Murume wangu wekutanga atiza, ndakazobvawo kumusha uku ndokuuya kuno kuHarare uko ndinopemha nemwana uyu. Imwe nguva pandinoenda kumabasa angu emaricho mudzimba dzevanhu ndinosiya ndamuvharira mumba umo anozosara achiita tsvina. Anobva azotora tsvina iyi achidya, handizive kuti imwe nguva inzara here nekuti kudya chaiko kwekuti agare achidya kunondinetsa kuwana nguva dzose,” vanodaro Mai Mukodzeri.
Mudzimai uyu anoti anoda kubatsirwa nezvinhu zvinosanganisira chikafu chemwana uyu, mbatya, sipo yekuwachisa, mapamper uyewo anotsvaga mari yechikoro yemwana wake musikana mudiki wemakore gumi nematanhatu.
“Kubva pandakasiyana nemurume uyu, hapana anombondibatsira wekumhuri yevana ava kunze kwemurume wangu mutsva Pardon Arufeya (38) naamwene vangu vatsva ava. Iye zvino ndava kurwara nemusana nekuda kwekutakura mwana uyu kumuburitsa panze nekumudzosera mumba uyewo kumusundidzira pawiri cheya. Mwana uyu ane mishonga yaanoda kuti apote achipihwa iyo ndisina nekuda kwekushaya mari,” vanodaro Mai Mukodzeri.
Kune vanoda kumubatsira mwana uyu vanoridza panhare panhamba dzinoti 0777 060 680 kana 0782 895 574.
Mbuya Mary Arufeyo (72), vanova vamwene vatsva vemudzimai uyu, vanoti muroora wavo vakangomutambira nevana vake vaviri.
“Vanongodyawo zvatinodya zvisinei kuti mumwe mwana uyu ane kudya kunofambirana naye uko anoshaiwa nekuda kwekushaikwa kwemari. Pano pamba pangu saka hakuna anovabvunza, dai vairoja vaigona kudzingwa nekuda kwedambudziko remwana uyu. Ichokwadi mwana uyu anodya tsvina yake panguva yaanenge akavharirwa mumba, hatizive kuti chikonzero chenzara here kana kuti idambudziko rinotovapo,” vanodaro Mbuya Arufeyo.
Mwananasikana uyu aimboenda kuchikoro kuburikidza nerubatsiro rwevamwewo vanhu apo abhadharirwa US$350 asi akazoregera nekuda kwekunetsa kwemari.



