Mwanasikana (8) atapwa ndokugarwa naye mubako kwemasvondo 2

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo ari kufeya nyaya yemwanasikana ane makore masere ekuberekwa uyo akatapwa nemumwe murume kuNdanga kuZaka achibva anogarwa naye mubako kwemasvondo maviri apo aitaura kuti aida kubhadharwa US$500 kuti aregedze mwana uyu.

Nyaya iyi inonzi yakaitika mumusha waSabhuku Machingura kudunhu raMambo Ndanga apo mwana uyu akatapwa kubva nemusi wa17 Gunyana kusvika 1 Nyamavhuvhu gore rino paakazowanikwa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti vari kutsvaga Takudzwa Chagwiza (24) wekwaSabhuku Chagwiza kwaMambo Munyikwa kwaGutu nekuda kwemhosva yekutapa mwana uyu.

“Mwanasikana uyu wemakore masere okuberekwa aibva kuchikoro ndokusangana naTakudzwa Chagwiza achibva amutapa ndokuzoendesa mashoko kuvabereki vemwana uyu achitaura kuti aida US$500 kuti amuregedze,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanoti mwanasikana uyu akazowanikwa nemapurisa nemusi wa1 Nyamavhuvhu apo aigarwa naye nemurume uyu mumapako ekugomo reHozvi kuBikita kwakare kuMasvingo.

“Takudzwa Chagwiza akaonekwa nemumwe murume aidarika nepadyo pemapako aya aine mwana uyu achibva azivikanwa ndokubva atiza paakaona ruzhinji rwemusha rwava kuunganidzana kuti vanomubata,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanoti veruzhinji vakazotora mwanasikana uyu vachibva vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvakazoita kuti  asanganiswe nevabereki vake.

“Mwana uyu akazosanganiswa nevabereki vake ndokubva aendeswa kuchipatara cheNdanga Hospital uko airapwa nekudzikamiswa pfungwa dzake nenyanzvi dzakadzidzira basa. Zvakadai, mapurisa ari kukumbira kuruzhinji kune vanoziva murume uyu Takudzwa Chagwiza kuti vavazivise akwaniswe kusungwa uye aendeswe kumatare edzimhosva nekuda kwenyaya yaari kupomerwa iyi,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanokurudzira vanhu vane zvavanoziva munyaya iyi kuti vazivise mapurisa ari padyo navo kana kuridza nhare kumapurisa anodyidzana neruzhinji kuMasvingo eProvincial Press and Public Relations Office panhamba dzinoti 0392264421 kana dzeWhatsapp dzinoti 0775 996 945.

“Tinoramba tichitenda veruzhinji nekushanda nemapurisa vachipa mashoko anoita kuti nhubu dzisungwe dzichiendeswa kumatare edzimhosva vachiphwa zvirango zvavo zvizere. Semunyaya iyi, tinorumbidza murume akaona mwana uyu ari parumananzombe akazonunurwa nekuti hatizive zvaizogumisira zvaitika,” vanodaro Insp Dhewa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×