N’anga yazviurayira pamba peshamwarikadzi yarambwa

Lovemore Kadzura

N’ANGA ine makore 33 okuberekwa, Martin Mutandwa, akazviuraya kuburikidza nekuzvisungirira pamba peshamwarikadzi yake mushure mekunge arambwa kuDewedzo, kwaRusape.

Izvi zvinotevera kunetsana kwainge kwaita godobori iri nemudikani wake, Edith Mukamba (46), uyo akanga achangobva kumuramba uye ndokunomhan’ara kumapurisa achimupomera kuti aive amubira zvinhu zvake.

Mutandwa, wemumumusha weE. Shangwe kwaMambo Tandi kwaRusape, anonzi akatadza kuzvigamuchira apo shamwarikadzi yake yakamuramba.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi.

Vanoti nguva yadarika, Mukamba akambenge amhan’arira Mutandwa kumapurisa achimupomera mhosva yekumubira izvo zvakawedzera kusawirirana kwavo sezvo vange vagara vachinetsana.

Vanhu vari padyo nevaviri ava vanoti kudyidzana kwavo kwakambodzikira mumwedzi ichangopfuura nekuda kwemakakatanwa asina kugadziriswa.

Kusungwa kwaMutandwa achipomerwa mhosva yekuba kunonzi kwakawedzera kusawirirana uku izvo zvakaita kuti anzwe kunyara uye kusurukirwa.

Mamiriro ezvinhu aya anonzi akamudzimba mupfungwa akagumisira atora upenyu hwake.

“Nomusi wa20 Kukadzi nenguva dza7 mangwanani, shamwarikadzi yaMutandwa, Edith Mukamba (46) wekuSt Bedes, kuDewedzo, akamhan’arira Mutandwa mhosva yekuba zvinhu zvake ndokubva asungwa. Mutandwa akazodzoka kubva mumaoko emapurisa ndokuenda kuna Mukamba.

“Nomusi wa26 Kukadzi mangwanani, Mukamba akaenda kunopa huku dzake chikafu idzo dzaive muimba yekutandarira. Paakapinda mumba, akabva aona mutumbi waMutandwa wakarembera mudenga remba, akazvisungirira netambo. Mukamba akazivisa vavakidzani vake ndokunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa. Ongororo ichiri kuenderera mberi,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Rufu urwu rwakaunza kuvhunduka kwakanyanya munharaunda iyi.

Chiitiko ichi chakaburitsawo pachena mukaha uripo maringe nekupanga mazano kuruzhinji pamusoro peutano hwepfungwa, kunyanya kumaruwa.

Asst Insp Chinyoka vanokurudzira vanhu vanodanana kana vakaroorana kuti kana vatadza kunzwisisana vatsvage vayananisi vakadai semafundisi, masabhuku, madzishe kana kuenda kuchikamu chemapurisa chinodyidzana neveruzhinji.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *