Napoli yoshuvira Cech

NAPOLI iri kuda kutenga mubati wepagedhi weArsenal, Petr Cech (36), nechikwereti.

Chikwata chekuSerie A ichi chakanyora pasi mazita evabati vepagedhi vachingade kutenga kuti vazotsiva Pepe Reina uyo akabva achienda kunotambira AC Milan.

Cech ari mugore rekupedzisira pakondirakiti yake kuEmirates Stadium uye anogona kubvuma kuenda kuItaly kumbonotambira ikoko zvichitevera mashoko akabuda ekuti murairidzi mutsva weArsenal – Unai Emery – ari kutsvaga mubati wepagedhi mutsva wechidiki.

Sekutaura kwebepanhau rekuItaly, Gazzetta dello Sport, maGunners ane chivimbo chekuti vachakwanisa kutenga mubati wepagedhi weBayer Leverkusen Bernd Leno nemari inosvika 22 miriyoni paunzi, izvo zvichatuma Cech kuti abve achienda kuNapoli.

Maneja mutsva weNapoli, Carlo Ancelotti, anofarira chaizvo Cech zvichitevera kushanda kwavakamboita vese kuchikwata cheChelsea uye zvinozivikanwa kuti ndiye waari kuda kuti auye kuzove mubati wake wepagedhi muchikwata chake. – SportMail Football

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *