Ongororo yeNhapitapi Bhuku 3

Musoro webhuku: Nhapitapi YeChiShona

Bhuku 3 Remudzidzi

ISBN: 978 177900 922 7

Vanyori: C.D.S. Hwiridza naL. Viriri

Vatsikisi: College Press

NHAPITAPI YeChiShona Bhuku Remudzidzi Fomu 3 rinotsigira zvinangwa zvebumbiro idzva rezvidzidzo pakudzidziswa kweChiShona.

Rakanyorwa nenyanzvi dzemutauro weChiShona dzine mamwe mabhuku adzakatsikisa nechekare.

Bhuku iri rine zvinangwa zvetemu yega yega zvakanyatsorongwa pakutanga kwetemu imwe neimwe.

Izvi zvinobatsira varairidzi uye vadzidzi nokuda kwekuti vanokwanisa kuzviverengera vega vachinyatsonzwisisa zviri kutarisirwa muchitsauko chega chega.

Chitsauko chega chega chine zvinangwa zvakanyorwa nemazvo zvinova zvinobatsira vadzidzi nevadzidzisi nokuti zvinonyatsotsanangura zvinotarisirwa kunge zvava kuzivikanwa nevadzidzi panopera chidzidzo chimwe nechimwe.

Zvinangwa izvi zvakanangana nevadzidzi nokuti ndivo vakanyorerwa bhuku irori.

Chitsauko chega chega chine basa rokuita kuitira kuti vadzidzi varatidze kunzwisisa kwavanenge vaita chidzidzo ichocho.

Basa iri rinobata mibvunzo iri pamusoro pezvose zvinotarisirwa mubumbiro rezvidzidzo uye bvunzo dzinozonyorwa nevadzidzi dzeZimsec.

Pane bvunzo pakupera kwetemu yega yega dzinobata zvidzidzo zvetemu iyoyo uye dzimwewo temu pakakodzera.

Mune dzokororo yemisoro yezvidzidzo yakawanda kuitira kusimbisa zvadzidzwa. Vadzidzi vanobatsirikana zvikuru nedzokororo.

Bhuku iri rinoshandisa mutauro wakareruka uye uchinzwisisika. Hauna ChiRungu mukati kunze kwepazvinenge zvakakodzera mundima dzenzwisiso. Tsananguro dzese dziri muChiShona chete zvinova zvinokurudzira chido norurimi rwedu .

Mune madingindira akasiyana anobatwa nezvawo akafanana nomushandirapamwe, utano, kugadzirisa makakatanwa, kupfimbana, mhuri, ushe, kuzviraramisa nemamwewo.

Rinozazanura zvizere zvidzidzo zvemhando dzakasiyana dzakaita serondedzero, nzwisiso, dudziramutauro nemisambo.

Manyorerwo erondedzero anonyatsodonongodzwa nomutoo wakajeka. Izvi zvinosanganisira kuziva mamiriro ezvirevo, ndima uye kupa pfungwa dzinoyerera.

Nguva zhinji, vadzidzi vanongonzi vanyore rondedzero asi vasingatomboziva kuti chii chinonzi rondedzero uye zviga zvayo. Bhuku iri rinopa unyanzvi neumhizha hwekunyora rondedzero zvinova zvinobatsira vadzidzi nevadzidzisi.

Bhuku iri inhangaruvanze paumhizha hwekunyora rondedzero. Vadzidzi vanotanga nokunyora ndima pfupi dzozoenda dzichireba. Mhando nemhando dzerondedzero dzinoongororwa pachipiwa zviga zvadzo nenzira dzakajeka.

Rondedzero nenzwisiso dzinosanganisirawo mifananidzo, makatuni nemagirafu.

Bhuku idzva iri chikomborero chikuru kuvadzidzi nevadzidzisi. Harifaniri kushaikwa bodo. Vadzidzisi vanobatsirikana zvakare nekushandisa Nhapitapi YeChiShona Bhuku Remudzidzisi Fomu 3 iro rinopawo nzira dzingashandiswe pakudzidzisa uye mhinduro dzemabasa okunyora akapiwa vadzidzi.

Vadzidzi nevadzidzisi vachabatsirikana zvikuru nebhuku iro rakanyorwa zvemandorokwati nenyanzvi dzemutauro weChiShona.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×