CHITSAUKO 11 (Nyaya yacho):
Mangwanani emusi weChipiri apo Lily anonzwa pamusuwo kugogodzwa ndokudaidzira kaviri kuti ainge achigogodza wacho apinde asi hapana anopinda. Anosimuka kuti anoone kuti ndiani ndokuona pamusuwo pamire varume vaviri vainge vakapfeka mabhachi machena anosvika kumabvi, mumwe wacho akabata tambo dzainge dzakamonana monana, mumwe akabata kabhokisi kadiki muruoko rwerudyi rumwe rwakabata kapepa. Wekubata kabhokisi nekapepa anokwazisa Lily ndokumubvunza kana ipapo painge pari panhamba “twenty”. Lily anoti hongu ndokuudziwa kuti vainge vari vanhu vekumagetsi avo vainge vachida kugurunura “fuse” yepamba apa sezvo magetsi ekuKambuzuma ainge asiri kushanda zvakanaka sezvo “switch” yepamba apa yainge yakabatanidzwa pamwe chete neyekuKambuzuma. Vanoti vainge vatopedza dzimwe dzimba zvekuti iyi ndiyo yainge iri yekupedzisira.
Lily anovaudza kuti baba vepamba apa vainge vasipo ndokupindurwa kunzi izvozvo vaizviziva, kwese kwavainge vabva varume vavo vainge vari kumabasa. Lily haanzwe kufarira varume ava ndokubvunza kuti zvino vakagurunura vaizobika nei.
Ndipo paanotaurirwa kuti anobika zvake ndokuudzwa kuti pamagetsi paive neinonzi nechiRungu “combined electrical field repulsion” iyo yainge yakafanana neziswitch ziguru remumba rinoti kana asina kuridhingura, magetsi emusha haashandi saka hazviite kuti vagadzire vasina kuita inonzi “alteration of current’.
Izvi zvinovhiringidza Lily zvekuti anovhura musiwo kuti varume ava vapinde. Wematambo uya anoti asi Lily avakanganwa kani, ivo vakambouya gore rapera vachiita basa rimwero. Lily anoti aive asipo. Varume vanotanga kutarisa-tarisa tambo dzaipinda-pinda mumba vanyerere.
Roddy anoita seanoita jee apo anotamba zvake achiti, “. . . tiri vakuwasha vasina kutsiga vanopinda munorara ambuya” (13). Lily wacho anopindura zvake achiti raive basa raigoitwa sei, varume ndokupinda mukamuri yokurara ndokubva vachemedza kamushini kavo zvakanyanya.
Vanobva vati saka Lily azvionaka kana kamuchina kavo karira zvinoreva kuti imomo ndimo mune “fusing calculator” yacho vachipamhidzira nezvejee vachiti apa baba vepamba vainge vachenjera ndokubva vaiisa imomo musina vana vanobata bata.
Panobuda Lily, vanodzora musiwo kuti vasaonekwa, Roddy ndokuvhura sefa iya nyore Robby ndokupakira mazimari ose mukabhokisi kavo kaya. Matombo vanoashaya ndokudzorera kiyi pavaive vaudzwa naSekai kuti ndipo payaigara, vanhu kwava kubuda vachifunga kuti pamwe matombo aya akange atengeswa, iko kamushini kavo kaye kachingochema.
Vanooneka vachiti vachadzoka manheru apo vanouya kuzodzorera “current” yavo.
Vanomhanyisa motokari kuenda kumba kwaRoddy uko vanosvikoverenga mari. Nechekumba, Sekai naFadza vari kufara nekuti manheru iwayo vanenge vapfuma. Sekai anoti kana mari iyi yauya ari kufunga zvekugara naRoddy kumba kwake Fadza ndokushamisika nazvo ndokumuyambira kuti anozviziva here kuti varume havatani kushanduka maitiro kana mangojairana chete.
Sekai anoramba aine rokuti anoda Robby kusvika pakadzika zvekuti akaswera asina kumuona haanzwe zvakanaka. Kushandura nyaya Fadza anoti kamupfana kaya kekubhucha kari kusvika masikati iwayo neshamwari yake nekudaro vanofanira kugadzirira kuti vavawane vakachena. Asi Sekai zvekugara natete vake ainge asisazvidi nepamusaka pezvavaita.
Kunyangwe zvazvo vainge vamuchengeta, mari yose yaainge abira Mugadzi ndiyo yakanga yave kushandiswa pazvinhu zvose, uyewo Fadza ndiye aishandisa bhuku rake rokubhengi iye asingaribati. Ainge oda kugara oga pasina aizomutonga ofunga kuti kana mari yauya vogovana iye naRoddy votora zhinji sezvo iye aive muridzi wayo sekuona kwake.



