Kingstone Mapupu
MUDZIMAI ane makore 40 okuberekwa wekuMasvingo anoti haachadi shavi rekuroya raanaro sezvo anoti riri kumutambudza.
Mukadzi uyu, uyo ane zita ratinaro, anoti vana vake vapera kufa uye ave kutadza kuwirirana nehama neshamwari pamusana pemweya wakamumhara uwu.
Anoti uroyi uhwu akaita hwekutemerwa nyora kumusana nevamwe varoyi vaasingazivi.
Anoti akashaikirwa nevana vanokwana vana, vacheche nevakuru, vanosanganisira mumwe akange oda kunyora bvunzo dzeFomu 4.
“Dambudziko rangu nderokuti ndinoroya. Handinyari kuzvitaura nokuti zvandishaisa rugare; hapana munhu achawirirana neni, kubva kuhama dzangu nekwandakaroorwa. Ndakatanga ndichiita zvekurota ndiri kumakuva, tichifukunura makuva nekudya nyama yevanhu nevamwe varoyi vandaisaziva. Zvakazoenderera mberi ndave kuona ndiri kunze kwemusha, kumakuva, nevamwe vandinoroya navo. Madzimai andave kuziva izvozvi, atinogara nawo,” anodaro mudzimai uyu, uyo anobva kwaMambo Bota, kuZaka.
Anoti kwaanoenda kunobatsirwa, kungava kun’anga kana kumaporofita, anotaurirwa kuti anoroya.
“Ndakasununguka kuburitsa dambudziko rangu kunyika yose kuti ndibatsirwe. Hakuna munhu achada kutaura neni kunzvimbo yandinobva nekwandakaroorwa. Vanasekuru kumurume wangu vakandirova nematanda ndichipomerwa kuti ndaikonzera kufa kwevanhu nekurwara kwevamwe, nyaya iyi ikavanzwa; haina kusvitswa kumapurisa. Ndakaenda kunorapwa ndichinzi ndakapindirwa nematsotsi akandirova, zvinova zvandakataura kuchipatara, izvo murume wangu akawirirana nazvo,” anodaro.
Mudzimai uyu anoti zvichitevera kufa kuri kuita vana vake, ari kutyira kuti ari pamaoko anogona kufa zvakare nokuda kweshavi rekuroya iri.
“Shavi reuroyi iri handicharidi uye ndakapihwa ndisingazivi. Ndinonzi ndakatemerwa nyora kumusana. Nyama yevanhu yatinodya iyi inoshata zvikuru,” anodaro.
VaGeorge Kandiero, mukuru wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), vanoti kune vanhu vanogona kuroya vasingazivi kuti ndozvavari, kunyanya vanoita zvekutemerwa nyora kana kudyiswa.
“Uroyi hwakasiyana. Kune hwedzinza, hwokuita zvekudyiswa nekutemerwa nyora. Hwekudyiswa nekutemerwa haumbozivi kuti unoroya asi hweshavi redzinza munhu anozviziva, saka vanhu vanofanirwa kugara vachibatsirwa pamweya, kungave kumachechi kana kudzin’anga,” vanodaro VaKandiyero.




