MaWarriors, toita zvokudini nemi?

Fungai Muderere

CHIKWATA chenhabvu chenyika chemaWarriors chadzikira zvakanyanya mumatambiro acho, zvinova zvinonyadzisa.

Rwendo rweZimbabwe rwekurwira kuenda kumakwikwi e2026 World Cup — ayo achaitirwa kuCanada, Mexico neUnited States — rwange rwusina kumira zvakanaka kubva pakutanga kusvika pokupedzisira, ukatarisisa matambiro akaita chikwata ichi.

Pamitambo gumi, maWarriors akaita mangange kashanu, ndokukundwawo kashanu, zvichireva kuti hapana kana mutambo waakahwinha.

Pane varairidzi vatatu vakazama kufambisa chikepe chainyura ichi — Baltemar José de Oliveira Brito, Jairos Tapera naMichael Nees — asi hapana zvazvakabatsira.

Paaitungamirirwa nevarairidzi ava, maWarriors akakwanisa kunwisa kashanu chete, iwo ndokunwiswa ka12, zvinova zvinokatyamadza.

Mwarriors akanwiswa zvinonyanya kunyadzisa apo airairidzwa naNees, uyo achiri kutungamirira chikwata chenyika ichi nazvino, izvo zvinosanganisira kukundwa kwaakaitwa neLesotho mumitambo miviri uye neSouth Africa mumutambo wokutanga.

MaWarriors akakundwa zvakare neRwanda neBenin, ndokuzoita mangange neNigeria, Benin, South Africa neRwanda mumitambo yechipiri.

Vatambi vanosvika 36 vakawana mukana wekutamba mumitambo iyi. Vamwe vakatamba nemwoyo wose, asi vamwe havana kunyatsoonekwa matambiro avo.

Shasha dzakaita sakaputeni wechikwata ichi Marvelous Nakamba, Tawanda Chirewa, Teenage Hadebe, Devine Lunga, Andrew Mbeba uye mukomana nemunin’ina Knowledge naWalter Musona vakarwa semvumba munhandare.

Vamwe vacho ndiKhama Billiat, Prince Dube, Marshal Munetsi, Terrence Dzukamanja, Donovan Bernard, Gerald Takwara, mushakabvu Brian Banda, Obreil Chirinda, Tino Kadewere, Washington Arubi, Richard Hachiro, Tanaka Shandirwa, Daniel Msendami,

Thandolwenkosi Ngwenya, Jordan Zemura, Tymon Machope, Bill Antonio, Brendan Galloway, Elvis Chipezeze, Godknows Murwira, Jonah Fabisch naEmmanuel Jalai.

Vamwe vavo vaigara vachitamba nguva dzose vanoti Walter Musona, uyo akatamba mitambo yose iri gumi; Munetsi, uyo akatamba mipfumbamwe; uye Devine Lunga, uyo akatamba misere.

Vamwewo vakatamba kwenguva dukuduku vanosanganisira Brian Banda, Elvis Chipezeze naGodfrey Chitsumba.

Heanoi matambiro akaita maWarriors:

· Rwanda 0-0 Zimbabwe (Brito)

· Zimbabwe 1-1 Nigeria (Brito)

· Zimbabwe 0-2 Lesotho (Tapera)

· South Africa 3-1 Zimbabwe (Tapera)

· Zimbabwe 2-2 Benin (Nees)

· Nigeria 1-1 Zimbabwe (Nees)

· Benin 1-0 Zimbabwe (Nees)

· Zimbabwe 0-1 Rwanda (Nees)

· Zimbabwe 0-0 South Africa (Nees)

· Lesotho 1-0 Zimbabwe (Nees)

Rwendo rwekurwira kuenda kumakwishu epasi rose urwu rwakataridza kusazvipira kwevatambi, kusatamba zvine hochekoche uye kusatora matanho akakosha anodiwa nevose vanoona nezvemutambo uyu.

Vatsigiri vakakatyamadzwa nematambiro anonyadzisa aiitwa nemaWarriors, ayo akatadza kukunda kunyangwe mumutambo mumwe chete zvawo.

Izvi hazvisati zvamboitika munhoroondo yenhabvu muZimbabwe.

Zvakakosha kuti maWarriors azvinzvere, oshandura matambiro aari kuita. Zvikasadaro, mumitambo inotevera hapana chinobuda.

Related Posts

Shingai Dance Troupe hwapu mukombe weChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka CHIKWATA cheShingai Dance Troupe chemudunhu reHarare, icho chakaratidzira hunyanzvi mumutambo wembakumba, ndicho chatora mukombe pamakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance National Final ayo aitirwa muHarare Gardens nomusi weMugovera wadarika.…

ZCC eridha hutu nemudzimai wemuridzi

Lovemore Kadzura   MUMWE eridha wechechi yeZion Christian Church (ZCC) kwaMakoni, kudunhu reManicaland anonzi akatiza nemudzimai wemunhu uye gure iri rakazofumuka mushure mekunge vaviri ava vambogara vese kwemwedzi miviri vari kumafura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×