Ndine mimba yechidhoma: Mhandara (19)

Nhlalwenhle Ncube
IMWE mhuri yekuLower Gweru yakasara yapererwa zvikuru nguva pfupi yadarika mushure mekuudzwa nemwanasikana wavo uyo ane makore 19 okuberekwa kuti mimba yaainayo akamitiswa nechidhoma.Musikana uyu — Simelokuhle Moyo — ari kugara naambuya vake mubhuku rekwaMzila uye anoti haana kumbobvira ashereketa nemurume, asi kuti mwedzi yadarika aimuka mangwanani oga-oga aine zviratidzo zvekuti ainge ashinhwa naye husiku.

Ambuya vaSimelokuhle —mushure mekutadza kunzwisisa zviri kutaura nemuzukuru wavo — vakazoshevedza vamwe vemhuri yavo kuitira kuti vaite muonerapamwe mashura aya.

Pakaungana vemhuri iyi, chimhandara ichi chakaramba chichingotaura zvimwechetezvo zvekuti anoona chipuka chinotyisa ari kuhope, icho chaanoti ndicho chakamupa pamuviri.

Tete vake vanoti vakashamiswa zvikuru nemashoko aSimelokuhle.

“Zviri kutaurwa naSimelokuhle zvatitenderedza misoro. Munhu angati akapihwa pamuviri nechidhoma?

“Ari kuti haana murume waakambosangana naye, asi hatizi kutenda mashoko ake. Tinofungidzira kuti musikana uyu ari kunyepa, zvichida ane mukomana wake uyo akamutiza kana kuti akashereketa nevarume vakawanda saka haachaziva muridzi wenhumbu iyi,” vanodaro tete ava.

Vanoti semhuri, vakawirirana kutsvaga n’anga yekuti vabvunzire nyaya iyi nekuti maitiro aSimelokuhle ave kupa mhuri yavo zita rakashata munharaunda.

Muhurukuro neKwayedza, Simelokuhle anotsinhira kuti akapihwa pamuviri nechidhoma.

“Ndine pamuviri pava nemwedzi mishanu asi ndinoshamisika kuti ndiani akandipa mimba iyi nekuti handiyeuke ndichisangana nemunhurume chero upi zvake. Vemumhuri mangu vanofunga kuti ndiri kutaura manyepo, nepo kwete,” anodaro musikana                      uyu.

Mhuri yekwaMoyo inoti yakazvipira kutengesa mombe yayo kuitira kuti iwane mari yekufambira kun’anga nekumaporofita kuti igoziva chokwadi pamusoro penyaya iyi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *