Musanganiswa wemitauro

Daphne Machiri
MUMWE munyori wemabhuku ari kusimukira anoti veruzhinji vanofanira kukoshesa mitauro inovandudza tsika nemagariro avo.

Prince Kudakwashe Bosha (25) anoti akatanga kunyora mabhuku nedonzvo rekusimudzira mutauro weShona pamwe nemimwe yemuAfrica.

“Mitauro yedu yave kuonekwa seisingareve chinhu nekuda kwekuti vanhu vazhinji havachina hanya nekuiverenga zvose nekuinyora. Ndizvo zvakandipa shungu dzekunyora bhuku rine mitauro yeShona, Ndebele, Xhosa, Kiswahili, Sotho nechirungu,” anodaro Bosha.

Anoti chimwe chakaita kuti anyore bhuku remusanganiswa yemitauro chishuwo chekuda kubatanidza vanhu vemuAfrica.

“Bhuku iri rinonzi Mapambano Yangu, rine zita remutauro weKiswahili uyo unotaurwa kunyika dzinosanganisira Kenya neTanzania.

Zita iri rinotsangudza raramo yevatema sematambudziko avanosangana nawo nekubudirira kwavanozoita uye tsika nemagariro avo,” anodaro Bosha.

Anoenderera mberi achiti, “Bhuku rangu rinodzidzisa kuti vechidiki vanofanirwa kushingirira neupenyu, hapana chinouya wakagara.”

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *