‘Ndinodawo murume’…‘Bhudhi ndimi makandisunga’

Yvonne Chidochashe Manyanja
MUMWE mukadzi ari kupomera hanzvadzi yake inova n’anga kuti yakamushandisira mushonga unosanganisira hangaiwa mbiri dzaaipa chikafu izvo zvakamupa rushambwa sezvo ave kushaya murume anomuda kana kumuroora.

Mavis Mtetwa akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naTimothy Mtetwa achiti anomupumha huroyi.

Timothy akati anoda gwaro redziviriro nekuti ashaiswa rugare naMavis.

“Ishe wangu, ndauya kuno kuti mundidzivirire kuhanzvadzi yangu iyi, anove mwana waamai wavakaita nemumwe murume mushure mekunge baba vedu vafa. Anogara achindipumha huroyi izvo zvinondibata-bata nekuti hapana paakambondiona ndichiroya uye anondituka pakazara vanhu kuti ndinyare,” akadaro Timothy.

Mavis akaudza dare kuti Timothy akamushandisira mushonga wekuti asaroorwe.

“Ini handina kumbobvira ndavatuka pakazara vanhu asi kungoti bhudhi vangu ava in’anga, vanoshandisa zvidhoma saka ndaivati bhudhi ndibvisei zvamakaisa pandiri ndiwane kuroorwa. Ishe wangu, bhudhi ava vakandiendesa kun’anga katatu kose vachiti vari kundibatsira.

“Ndakaendeswa kun’anga kekutanga ndikanotemwa nyora. Kechipiri vakaenda neni kune imwe shamwari yavo n’anga ikabva yandipa hangaiwa mbiri, hadzi nerume kuti ndipote ndichidzipa chikafu nyamba vaindigadzira kuti ndisaroorwe.

“Kechitatu vakaenda neni ndavakumbira kuti hapana ari kundipfimba ndichibva ndanzi vanofanira kundibvisa zvavakaisa pandiri. Saka chandiri kuda ndechekuti vabvise zvavakaisa pandiri. Ngavandisunungurewo ndiwane murume anondidawo,” akadaro Mavis.

Mutongi Barbra Mateko akapa Timothy gwaro redziviriro ndokuti kana pane zvinonetsa pakati pavo ngavataurirane pasina mhirizhonga.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×