‘Ndinorohwa namadhamu’

Yvonne Chidochashe Manyanja
MURUME ari kudzidzira basa rehukoti anoti aoneswa pfumvu nemukadzi wake uyo waari kupomera kuti anomurova pamwe nekupisa mayunifomu nemabhuku ake ekuchikoro. Hoseni Juma akamhan’arira Maria Juma kuHarare Civil Court.

“Changamire, uyu mukadzi wangu, takatotorana nesvitsa tsvene asi akangoshanduka zvandisinganzwisisi. Kubva paakabvisa pamuviri pasina kodzero yangu takabva tangotanga kunetsana. Anondituka achiti ndiri pfambirume yemakoko izvi zvakaita kuti apise mayunifomu pamwe nemabhuku angu ekuchikoro.

“Paaimboita zvese izvi handina kana kumbofunga kumhan’ara asi iye zvino zvazvave kubata zvidzidzo neupenyu hwangu ndafunga zvine hungwaru kuti ndiuye kuzopihwa gwaro redziviriro kumukadzi wangu uyu. Akati anoda kuuya kuchikoro kwangu kuzondivhiringidza pandinenge ndichidzidza. Mukadzi uyu akatombonditema nematombo zvikaita kuti ndishaye kuti mweya rudzii wakange wamupinda,” akadaro Hoseni.

Maria akaudza dare kuti Hoseni ainyepa senzira yekunzvenga kubhadharira vana vake mari yechikoro.

“Handibvumirane nezvese zvaari kutaura nekuti murume uyu ari kuda kutiza kubhadhara zvikwereti zvevana kuchikoro. Kutaura kuno mumwe akanonoka kuenda kunotanga zvidzidzo zvake kuvhasiti mumwewo ndiye ane chikwereti che$1 500 nemumwe ane chikwereti che$520. Ndizvo zvaari kutiza achiswera ari kushamwarikadzi dzake.

“Ndakarwara ndikabva ndabatwa nechirwere chepabonde ndikamubvunza kuti zvairevei kuti ini ndinoswera pamba ndichiziva murume mumwe chete? Ndingabatwa nechirwere chebonde sei? Akanditi ndinoita hupombwe. Akativharira kadhi rekutora mari zvikaita kuti ndimutevere kubasa kwake asi handina kana kumbotukana naye.

“Naizvozvo handitendere kuti apihwe gwaro raari kukumbira nekuti kuda kungondidzvanyirira,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati nyaya iyi yaizodzoka mudare zvakare sezvo yaida nguva yekuti inyatsoongororwa zvizere.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×