‘Ndiurayei kuti vangu vana vaende kuchikoro’

LEONARD Chokurongerwa achitaridza chitupa chake.
LEONARD Chokurongerwa achitaridza chitupa chake.

LEONARD Chokurongerwa, munin’ina waMadzibaba Ishmael Chokurongerwa, uyo anopinda chechi imwe chete nemukoma wake, ari kupika kuti haambofa akaendesa vana vake kuchikoro uye izvo zvinogona kuitika chete “kana ndafa”. Akabheja pamberi peKwayedza nasabhuku wake kwaMurehwa kuti vana vake havafe vakaona musiwo wechikoro sezvo iri iyo imwe yemhiko dzechechi yavo yeJohane Masowe weChishanu. Mapositori aya ari kupomerwa mhosva yekurova mapurisa nevatori venhau kumasowe avo kuBudiriro, muHarare, asi Leonard anoti akanga asipo zuva rakaitika mhirizhonga iyi masvondo maviri adarika.

Leonard (32), uyo ane vana vana, anoti nyaya yekuti vana vasaende kuzvikoro haina kutanga naivo, asi kuti yakatangwa naJohane Masowe apo akaburukira kwaNevanji, kwaNyamweda, kuMhondoro.

“Izwi rakataura richiti musaende kuzvikoro izvo zvinokupai kusafunga zvakanaka. Saka isu tinotevera zvakataurwa naJohane kuburikidza naMwari. Vangu vana havaende kuchikoro mungatondipfura nepfuti zvenyu kana kundidambura musoro,” akadaro apo aitaura paina sabhuku wemusha wavo waMakombe, VaJeremiah Makuvire.

Mapositori ekwaMadzibaba Ishmael anotevedza mhiko dzinodarika 20, dzimwe dzacho dzisingaite, sekuti baba ndivo vanoongorora humhandara hwemwanasikana wavo vachishandisa minwe yavo.

Zvisinei, vamwe vana vaviri vaLeonard, vemudzimai waakaramba naye, vanonzi vakatorwa nechisimba naambuya vavo uye akatombosungwa nemapurisa nenyaya yekusaendesa vana kuchikoro.

“Hongu vana vangu vaviri vemukadzi wekutanga vakatorwa nechisimba pano naambuya vavo ndikatumirwa mapurisa. Ndinonzwa kuti vave kupinda chikoro ikoko asi kwandiri handisinei navo, havasisiri vana vangu. Panyaya yekuchipatara, chedu chipatara mweya.

“Nyaya yamatanga iyi ihombe, haikwanisike. Muchaona zvichaitika,” akadaro Leonard.
Mhuri yose inonzi yaimbova nenharembozha asi pari zvino havasisina, vakadzitengesa nekuda kweshoko ravanoti rakabva kuna Mwari kuburikidza naIshmael.

Zvakadai, Ishmael anonzi haana mimwe midziyo kumusha kunze kweimba yaari kuvaka bedzi.
Imwe nyaya yakaburitswa pachena naLeonard ndeyekuti mukoma wake Madzibaba Ishmael ane ronda risingapore iro riri nechepakati pemuromo wepazasi. Haana kutsanangura kuti rakatanga sei zvisinei nekuti vamwe vanoti imhiko dzake. Zvinonzizve Ishmael ane mbonje mumusoro pedyo nekumhanza iyo akakuvara mutsaona pamarobhotsi ekuGlen View, muHarare.

Leonard akaramba zvekunzi Ishmael, uyo ane muviri uri pakati nepakati, akamborasika njere.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×