‘Dhiri’ rakaputitswa nemukadzi mudiki

MURUME wekuita madhiri ekuba zvinhu kubasa achitengesa akazoona chitsvuku apo akatengeswa nemukadzi wake mudiki mushure mekunge vanetsana achibva adzingwa basa. Jason Moyo akaudza dare reHarare Civil Court, uko akange adhonzerwa nemukadzi wake mudiki, Patience Ruzema, achida mari yemendenenzi, kuti mudzimai uyu ndiye aive amudzingisa basa mushure mekufumura madhiri aaita pabasa.

Ruzema aida $280 yekuchengeta mwana waakaita naMoyo uye akati aikwanisa kuibhadhara nekuti anoita mabasa matatu anomupa mari yakawanda.

“Pandakamhan’ara nyaya ino murume uyu akaudza mupurisa wandaive naye kuti anosevenza kuZesa akati zvakare anoshanda kuSwift kugadzira magear box uye ane garaji kwaGazaland (Highfiled). Ndinoshamiswa kana achiti haagone kundipa $280 kuti ndichengete mwana. Upenyu hwakanaka uhu ndiye akandidzidzisa saka zvekuti ndirarame zvekutamburira handingagone,” akadaro Ruzema.

Akaenderera mberi achiti: “Kubvira kubuda kwaakaita basa, ini nemwana wangu tiri kuona nhamo huru asi iye kumba kwake nemukadzi wake vanodya havo mafuta enyika asingarangarire kuti ini ndichawanepi mari yekubhadhara imba neyekurapisa mwana kana yekutenga chikafu zvayo.

“Kuti nditaure naye anobva ati ane mhuri yake asi mwana takaita achizviziva kuti ane mhuri kumba. Ini ndinoda kuchengetwa chete, handidi kuudzwa zvenhamo dzake.”

Moyo akati nhamo iri kuonekwa nemukadzi uyu ndiye akakonzeresa saka hapana chaangaite nazvo nekuti haasi kuenda kubasa.

“Ini handisi kuenda kubasa asi chikonzero chakandiburitsisa basa ndivo amai ava vakamhan’ara kumukadzi wangu wekumba kuti ini navo tine mwana uye ndinovarojera zvakare, ndinoba zvinhu kubasa ndichitengesa ndichivapa mari yacho. Munofunga kuti zvinoitawo here?

“Kubasa kwandaishanda yaive kambani yatsano zvino mukadzi wangu (mukuru) nekutsamwa akabva audza hanzvadzi yake kuti ndizvo zvandiri kuita basa rikabva rapera,” akadaro Moyo.

“Ndaiita madhiri angu ndowana mari yakawanda ndopa mukadzi uyu tichichengetana murudo ndisingazive kuti anozondipandukira kuti ndione nhamo yakadai.

Akaenderera mberi achiti haana kwaanowane mari semunhu rovha.
“Mari yandingagone kumupa i$15 chaiyo nekuti handisi kuenda kubasa. Kuti ndirarame mukadzi wangu ari kundichengeta,” akadaro Moyo.

Mutongi Gamuchirayi Siwardi akati Moyo abhadhare US$50 pamwedzi.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×