Neniwo ndiri pamahwani

IMBWA HAIHUKURE SADZA
ICHOKWADI Mwari rudo. Asi imbopafunga kuti dai Mwari vaiita sewe zvii zvaizoitika? Dai Mwari vaine chiramwa chinenge chako chekuti kana ukatsamwa unofuta sechibharuma zvekuti unosara padiki-diki kuti uputike? Kushatirwa samaiguru vangu vakafa, vaiti kana vagumbuka vakasarutsa vaitorwara.

Dai Mwari vakafanana newe pakusadzosera zvikwereti, nyangwe zvikwereti zvawakanoita kukumbira uchichema misodzi zvaifamba sei? Dai Mwari vaigara vari busy sewe, chii chaiitika? Paye powopfugama kuti unamate, uchingoti chete, “Muzita renyu Mwari, nereMwanakomana nereMweya Mutsvene . . .”

Mwari vobva vati, “Uri kudei futi iwe wanga uchimbonditaudza maminetsi gumi apfuura? Chii chausina kunge wataura chawave kuda kutaura? Iwe, usatambe neni nekuti ndiri busy. Kune vanhu hobho, mavhu nemarara vari kuda kutaurawo neni. Simuka zvako pawapfugama ipapo, uzozama imwe nguva zvakare?”

Dai ipo paye paunenge wakabatwa huro nemweya yetsvina, maziso ako akaudyura seechipopayi, wobva wati, “Nditakanurei Mambo, ndidzivirireiwo, ndirwireiwo Baba nekuti kana mukasandirwira izvozvi ndinofa!”

Asi paunenge wagomera kudaro uchiita munamato uri kubva pasi pasi pemwoyo wako, Mwari vobva vati, “Ndiri kumboona bhora reChelsea neManchester City. Kana ndikasuduruka chete panogona kuwana inosara ichigohwesa ndikaruzirira. Imbomira bhora ritange rapera ndizotaura newe.”

Kana kuti dai paunenge uchingoda kuti Mwari vakunyaradze, wobva wanzwa vachiti, “Kana neniwo ndiri pamahwani nekuti ndiri kushaya anondinyaradza nekuti vanhu vangu vari kundinyangadza zvekuti handichada kuramba ndiri Mwari.”

Dai Mwari vaikuudza kuti wanyanya kuramba uchikumbira mari neutano, imba nezvekudya apa ivo vagara vachikupa mweya wekufema mahara asi iwe worega kutenda. Mwari voti, nyangwe mvura yekuti minda iwane goho rakanaka vanokupai, mvura yekugeza neyekunwa – nyangwe zvenyu muchizotengeserana mvura yacho.

Dai Mwari vaiti, nekuti iwewe wakaramba kuregerera munhu akakudzinga basa nekuti aingokuvenga iwe usina mhosva, saka naivowo havachadi kukuregerera, waiita sei? Dai Mwari vaiti, ndisiye ndimboitawo sezvaunoita iwewe, sezvaunoitira vamwe, pane chaibuda here? Kuti paye iwe wapfugama kuti unamate, woti, “Mwari wangu?” Mwari vobva vaseka, voti, “Asi unofunga kuti ndakapusa uye handione here? Ini handisirini Mwari wako.

Unavo ana mwari hobho vaunonamata. Ini unozonditsvaga kana uchida zvinhu kana kuti kana waomerwa, warwarirwa.”

Dai Mwari vaikuratidza firimu rehupenyu hwako, pavakakurwira uchifanirwa kufira mutsaona yemota. Nepaye pawakadya poison yawakanga waisirwa muchikafu iwe usingazvizive, ukazorutsa ukararama, waizoshandura hukama hwako navo here? Dai Mwari vaitora mashoko ese akaipa aunotuka nawo vanhu, ese zvawo nemafufu awo – paye paunoti dununu, chituta, fuza, zeeretsi, imbwa yemunhu, marara, dhongi chairo, benzi remunhu, rema chairo nemamwe mamhitsa emashoko aunokungurutsa nerurimi rwako achisvikopwanya nekutyora-tyora vamwe.

Dai Mwari vaiti newewo paunoti “Mwari wangu,” ivo vobva vati, “Handitaure newe, dununu, chituta, fuza, imbwa yemunhu,” waiiti kudii? Mwari voshandisa mashoko ako aunoshandisira vamwe, kuti umbonzwawo kunaka kwaanoita. Mwari tinovashaira nguva misi nenguva, asi ivo hapana nguva yavanoti ndiri busy.

Chero nguva, chero papi patiri, tinogona kungoshevedza Mwari vakatinzwa. Asi isu kana tichinge tave nefoni inoita WhatsApp chaiyo, hatichadi kuti Mwari vatizunguze kana kutitaudza.

Kana tave kuita makuhwa, nyangwe Mwari vakati, “Iiii manyanya, mave kuda kutopedza munhu semuri kudya chingwa muchimunyeya,” tinobva tatozora bhata nejemhu kuti zvinyatsotapira. Tinobva tati kufira mune zvinonaka kuri nani. Asi nhunzi isina kungwara, inotevera chitunha zvekunopinda nacho muguva.

Kana vakomana vokanda foshoro, ndipo paichaona kuti hupenyu hunenge ice cream yabuda mufiriji.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×