Wenger otenga vatambi kwavo

ARSENE Wenger anoti achaedza kutenga vatambi vemhando yepamusoro mwaka unotevera apo chikwata chake chakakunda cheHull City 3-1 mumutambo weMonday Night Football.

MaGunners akatora zvibodzwa zvitatu kunhandare yeKC Stadium apo pakanwiswa naAlexis Sanchez kaviri pamwe naAaron Ramsey ukuwo Stephen Quinn ndiye akanwisawo kumaTigers.

Kuhwina kwakaita Arsenal kunoreva kuti haisati yambokundwa mumitambo 10 yadarika uye Wenger anofunga kuti chikwata chake chicharwisana necheChelsea mumukombe weligi gore rinotevera.

Asi anoti kana afunga zvekutenga mumwe mutambi anofanirwa kunge ari wemhando yepamusoro.

“Tine chikwata chihombe, chinotamba nhabvu inodakadza. Hatifanirwe kungotenga vatambi vakawanda,” akadaro Wenger.

“Kana tikawana vatambi vemhando yepamusoro, tichavatarisa, asi iye zvino tine chikwata chakakura uye tinoda kuramba tiri tose kutanga kwemwaka unotevera.

“Ndinoona kuti tiri kufamba mugwara chairo. Chelsea yakakodzera kuhwina gore rino nekuti iri kutamba nhabvu inodakadza kudarika zvimwe zvikwata zvose.

“Tinoda kupedza zvakasimba, totanga kuita gadziriro dzekutanga mwaka mutsva tozotanga zvine mutsindo.” Chimwe chikonzero Arsenal yange iri kutamba zvinonwisa mvura matambiro aAlexis Sancez uyo akatengwa kubva kuBarcelona mwaka uno. Chizvarwa chekuChile ichi chakanwisa kechi16 mumutambo uyu neHull, Wenger ndokuti ari kushamiswa zvikuru nekunwisa kuri kuita mutambi uyu. “Hongu ndaitarisira kuti aizobatsira vamwe kunwisa pane kuti iye ange achinwisa kudaro sezvo ndagara ndichimutambisa kudivi reflank uko kwausingawane mikana yakawanda yekunwisa,” akadaro Wenger. — Sky Sports News.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×