Ngatinamatirei nyika: First Lady

Tandayi Motsi

MUDZIMAI wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa vari kukurudzira vanhukadzi vari muZimbabwe nevamwe vari kunze kwenyika avo vanokwanisa kuti vabatane navo muchirongwa chekutsanya nekunamata kutanga nemusi wa21 Ndira kusvika 23 Ndira vachikumbira kuna Mwari kuti adzikinure nyika kubva kuchirwere cheCovid-19.

Izvi zvinotevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nedenda iri pamwe chete nevari kufa.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 28 675 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekunge vavhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 18 110 vakatopona asi vamwe 825 vakafa.

“SaAmai venyika, ndinokurudzira vanhukadzi vari muZimbabwe nevose vari kunze vanoda kubatana neni muchirongwa chekutsanya nekunamata kuna Mwari kubva mangwana (21 Ndira) kusvika neMugovera 23 Ndira 2021 kuti nyika yedu inunurwe kubva mumatambudziko ari kukonzerwa nechirwere ichi. Nyika yedu iri kuona vanhu vakawanda vari kufa mukati memasvondo maviri adarika. Rufu rwuri munharaunda dzedu, pamisuwo yedu. Hapanai mhuri isina kumborasikirwa nemudikani wayo nekuda kwechirwere ichi,” vanodaro Amai Mnangagwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Zuva roga-roga tinonzwa mazita evanhu vari kufa nedenda iri. Nekudaro ndinozvininipisa ndichikumbira kuvanhukadzi vose kuti vazvipire kwemazuva matatu kutanga mangwana (China) vachitsanya nekunamata kuti Mwari vapindire vadzikinure nyika yedu nevanhu vayo.

“Sevanhukadzi, tine basa guru ratinoita mukugarisana kwevanhu. Tinobatanidza mhuri pamwe chete uye toita kuti zvifambe zuva nezuva.”

Vanoti zvakakosha kuve nehurongwa pamhuri yoga-yoga hwekushandisa zvinhu zvinenge zviripo pakushambidza dzimba uye kuti munhu wose azive kukosha kwekupfeka masiki nenzira kwayo.

“Apo tinonamatira kuti nyika yedu idzikunurwe, tinofanirwa kuona kuti tatora matanho ekunamata tichichengetedza utano hwedu. Nzira yakanaka kutsanya nekunamata tiri kudzimba dzedu,” vanodaro Amai Mnangagwa.

Vanotenda vashandi veutano avo vari pamberi panyaya yekurwisa chirwere cheCovid-19 nekuzvipira mubasa ravo pamwe chete nemamwe mapoka akasiyana.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×