Ngatirege kurara nezamu mukanwa: vp Mnangagwa

NYIKA yeZimbabwe yakazvipira kuzadzisa zvayakatsidza muAbuja Declaration zvekuti panoitwa homwe yenyika kana kuti bhajeti, nyaya dzezveutano dzopihwe mugove wakaringana. Mashoko aya akataurwa pakutanga kwesvondo rino muHarare nemutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Vice President Emmerson Dambudzo Mnangagwa, pavakazarura zviri pamutemo musangano mukuru wemuAfrica wezvirwere zvepabonde, weICASA.

“Kunyangwe tiine zvipingaidzo muupfumi hwenyika, utano hunokosha. Naizvozvo tiri mushishi yekuti vose vanorarama neutachiona hweHIV vave vanokwanisa kuwana mishonga inoita kuti upenyu hwavo hufanane nehweruzhinji rusina utachiona hweHIV,” vakadaro VP Mnangagwa.
Vanoti Zimbabwe ine homwe yeAIDS Levy, inove mari inounganidzwa kuitira kurerutsa ndima munyaya dzekurwisa HIV neAIDS.

“MuZimbabwe tine vanhu 800 000 vari pamushonga wemaARV nhasi uno asi vanhu vanosvika 1,5 miriyoni vari kurarama neutachiona munyika ino. Zvinoreva kuti munhu wose anoda mishonga iyi haasati ave kuiwana. Tiri mushishi kuti wose anorarama neutachiona akwanise kupihwa mishonga iyi,” vakadaro VP Mnangagwa.

Vanoti dambudziko rechirwere ichi rakatakurwa neAfrica kudarika mamwe matunhu epasi rino naizvozvo musangano uyu unofanira kubuda nechipenyu chinopa yamuro mukukunda denda iri.

“Africa yatora nhanho dzinooneka mukurwisana nedenda reHIV neAIDS uye hatifanire kuzorora kana kurara nezamu mumukanwa nekuti denda iri rakaremera Africa kupfuura mamwe matunhu ose.

“Vanhu vane utachiona hweHIV chikamu chinosvika makumi manomwe kubva muzana (70%) vanogara muAfrica naizvozvo dambudziko iri rakatakurwa neAfrica. Ino inguva yekuti Africa iise misoro pamwe chete mukuenderera mberi nekupedza denda iri,” vakadaro VP Mnangagwa.
Musangano uyu uchapera nemusi weChishanu chinotevera asi kumakuwerere chaiko hakudanwi anonzwa nekuti vechidiki nevechikoru vose variko.

Wenyu: [email protected]

Related Posts

Mudzimai (27) opika mwedzi 8 mujeri nekuda kweshanje . . . akapamba vasikana 2 achivapomera kudanana nemurume wake

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wemubhuku raNechiva kuDema, kwaSeke – Noreen Mandevane (27) – akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi misere izere mushure mekubatwa nemhosva yekupamba vasikana vaviri uye ndokuvatorera nharembozha dzavo achiti vanodanana…

Varidzi ve‘brewery’ inobika doro zvisiri pamutemo vasungwa

Raymond Jaravaza MAPURISA ekuBulawayo akasunga mumwe murume nemukadzi nemhosva yekubika doro rinonyanya kuzivikanwa nekunzi ‘njengu’ pamuzinda wavo uyo usina kunyoreswa zviri pamutemo pakati peguta iri. Murume nemukadzi uyu vakavharirwa mutirongo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×