Kingstone Mapupu
MUKADZI wekuBudiriro, muHarare, anoti ayaura kwemakore maviri nedambudziko rekuzvimba dumbu rake iro riri kungofutunuka richimurwadza zvikuru sezvinonzi ane mimba uye ane fungidziro yekuti akaroyiwa. Mai Mercy Gwenhure (50), vepanhamba 4719 kuBudiriro 3, vanoti havasisina tarisiro yekurarama sezvo vakaenda kuchipatara vakanzi panodiwa mari yekuti vavhiiwe iyo yavasina.
Mudzimai anobva kumusha kwaNyashanu, kuBuhera uyu, anoti dambudziko rake rakatanga makore maviri akadarika apo akambofunga kuti aive nepamuviri ndokunotariswa kuchipatara asi akawanikwa asina.
Mai Gwenhure vanoti vanorwadziwa nemudumbu vachiita sevanobaiwa netsono izvo zvinoita kuti vafunge kuti vakaroyiwa.
“Ini upenyu hwangu hapasisina. Mukaona mazvimbiro akaita dumbu iri zvakaoma. Semunhu, ndinongofunga kuti ndakaroyiwa nevanoda kuona ndichitambura kudai.
“Ndakaenda kuParirenyatwa (Group of Hospitals) nekune zvimwe zvipatara ndichingonzi ndichavhiiwa asi mari hapana saka ndangomirira kufa zvangu,” vanodaro.
Mai Gwenhure vanoti vakatanga nekurwadziwa neparutivi ndokufunga kuti chaive chibereko vakazoona dumbu ravo rave kufutunuka zvakanyanya.
“Dambudziko iri rakatanga ndiri kumusha kwaKandenga, kuBuhera, ndokuenda kukiriniki yeChipongwe. Ndakazoenda kuchipatara cheMurambinda ndakanzi ndiende kuParirenyatwa uko machiremba vainditi muchibereko changu mune mvura.”
Mai Gwenhure vanoti pavaienda kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals vaingodzoswa nguva nenguva vachinzi vane ropa shoma nekudaro hazvaigoneka kuti vavhiiwe uye kwaidiwa mari.
“Ndakaroorwa mugore ra1983 ndisina dambudziko iri ndikabereka vana vatatu. KuParirenyatwa ndakaenda iro gore rino munaGumiguru kukanzi kunodiwa mari iyo ndakashaya.
“Ndakamboverengawo bepanhau renyu (Kwayedza) nezvemadzimai aiva nematumbu vakabatsirwa. Pamwe imi ndimi muchaita kuti ndirarame sezvo ndangomirira kufa,” vakadaro Mai Gwenhure vachida kuchema.
Vanoti vanachiremba vakavaudza kuti kuti vakwanise kuvavhiiwa, paidiwa mapainzi eropa gumi apo rimwe chete richiita $143 ekuwedzera ropa ravo.
“Murume wangu haashande uye apedza kutengesa mombe kumusha achindirapisa asi mari yacho yakapera pasina chaitwa.”
Mai Gwenhure vanoti havachawirirana nekudya kwakasimba sesadza izvo zvavanoti vanorwadziwa nemudumbu nekudaro vave kungoda bota nezvimwe zvakareruka.
Murume wavo, VaShadreck Chaterera (58), vanoti vasvika pakupererwa nemazano nekuda kwehurwere hwemudzimai wavo.
“Ndakatengesa mombe dzangu nhanhatu, mudanga hamusisina apa ini handishande. Mari iyi yakapera pasina chafamba kusvika tangogara kudai.
“Ndinoti dai tabatsirwawo nemari ingaite $6 500 inodiwa pakuvhiiwa uye kudai ndaiwana mukana wekuona kana Dr (David) Parirenyatwa (gurukota rezveutano nekurerwa kwevana) ndaida kuvakumbira ndibatsirwe,” vanodaro.
Kwayedza nguva yadarika yakaburitsa nyaya dzevanhukadzi vatatu, vanoti Mai Portia Tapfumaneyi (37) vekuHighfield, Madzimai Josphine Chavhunduka vekuNorton naMai Maidei Nemhara vekuDomboshava, avo vaiva vakazvimba matumbu avo asi vakazobatsirwa nechipatara cheChitungwiza Central Hospital kuburikidza nachamangwiza wacho, Dr Obediah Moyo.
Madzimai matatu aya aifungirawo kuti aive akaroyiwa izvo zvakange zvisiri izvo sezvo pavakavhiiwa vakaburitswa zvinhu zvairema zvakasiyana mumatumbu avo.
Kune vanoda kubatsira Mai Gwenhure vanogona kuvabata panhare dzinoti 0777 884 048.




