Muchaneta Chimuka
VABEREKI nevana vechikoro vari kutambira nemawoko maviri danho rakatorwa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari rekuti vana veForm 1 vegore rinouya vatsvage nzvimbo kuburikidza nezvakabuda mubvunzo dzavo dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) kwete kunyoreswa ma”entrance test”.
Gurukota rebazi iri, Dr Lazarus Dokora, svondo rapera vakati kubva gore rino zvichienda mberi vadzidzi vanenge vapedza Grade 7 vanofanirwa kutsvaga nzvimbo dzeForm 1 vachishandisa zvinenge zvabuda mubvunzo dzeZimsec.
Kwayedza yakaita ongororo pamusoro penyaya iyi ndokunzwa pfungwa dzakasiyana kubva kuvabereki nevana.
“Dr Dokora vakatigonera pakuvharisa humbavha hwaiitwa nevakuru vezvikoro pamwe nemaSchool Development Commitees (SDC) apo vaibira vabereki mari dzavo kuburikidza nema’entrance tests’. Mwana haafaniri kuwaniswa nzvimbo ne’entrance test’ asi kupasa kwake paGrade 7 kuti aende kuForm 1.
“Ndine mwana akapedza Grade 7 gore rino saka ndinofara nedanho iri ndichiti hondo iya yekubirwa mari yapera,” vanodaro Mai Sekai Ranga (38) vekuWarren Park D, muHarare.
Mumwe mudzidzi wepaChiremba Primary School kuRuwa, Sophia Chiedza Kangausaru (13), anoti akabuda ne14 units paGrade 7 uye ane kodzero dzekuwana nzvimbo yeForm 1 pasina kubhadhariswa mari yema”entrance tests”.
“Ndinofara zvikuru nedanho iri nekuti riri kurerutsira vabereki,” anodaro.
Mai Loveness Kapfudza (33) vekuChitungwiza vanorumbidzawo danho iri vachiti: “Uku ndiko kugona kurongera mbavha. Zvikoro zvange zvave kunota nesu gore negore. Kana Hurumende yadai kureva kuti nyaya dzehuwori dzave kudererawo.”
Mashoko avo anotsigirwa naMbuya Judith Mukabeta (69) vekuChitungwiza vachiti nherera dzange dziri panguva yakaoma zvisinei nekuti dzinenge dzapasa.
“Ndairwadziwa zvikuru nenherera dzakazara munharaunda nekuti dzaiti kana zviya dzikapasa paGrade 7 dzotadza kuwana nzvimbo dzeForm 1. Vazhinji vacho vaipedzisira vave kugara kudzimba nekuti mari dzaidiwa pakunyora ma’entrance tests’ dzaivaremera. Munoti kana munhu achishaya U$20 – US$50 ye’entrance test’ ko yefizi anoiwanepi?” vanodaro.
Vanoti Hurumende inofanira zvakare kusimbisa chirongwa chekubatsira vanoshaya nemari yechikoro, cheBasic Education Assistance Module (Beam).
Zvisinei, VaCephas Mushapaidze (39) vekuKuwadzana Extension, muHarare, vanoti huwori haupedzwe naizvozvo.
“Ko iyo Hurumende inongogara ichisandura zvinhu nguva nenguva seiko? Kana ma’entrance tests’ akange achiunza huwori vakadii kusunga vanhu vaiita izvozvo nekuti chero mwana achinge akapasa Grade 7 anogona kungoshaya nzvimbo yeForm 1 yacho pachikoro paanoda, chinoshanda imari bedzi. Muchaona kuti vana vakafoira vachangowaniswa nzvimbo, vabereki vavo vanongoenda nerweseri kunobhadhara vakuru vechikoro,” vanodaro VaMushapaidze.




