Ngwarirai chirwere cheGreen Tobacco Sickness: TIMB

Muchaneta Chimuka

KAMBANI yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) inoyambira varimi nevamwe veruzhinji kuti vangwarire chirwere cheGreen Tobacco Sickness (GTS) icho chinobata vanhu vanopinda muminda yefodya, zvikuru sei pasina dziviriro yakakwana zvichipa matambudziko eutano akadai sekukwira kweBp kusashanda zvakanaka kwenjere uye kukanganisika kwetsinga dzinofambisa ropa.

Mai Chelesani Moyo-Tsarwe vanova mukushi wemashoko kuTIMB vanoti chirwere ichi chinokonzereswa nemuchetura unonzi nicotine poisoning uyo unowanikwa mufodya isati yapiswa.

Muchetura uyu unogadzirwa nechirimwa chefodya uye unokuvadza ganda remunhu anobata kana kugumha mashizha efodya ane hunyoro.

“Muchetura uyu weNecotine unobva mumashisha efodya uchienda mumuviri memunhu kuburikidza neganda rake. Kana wapinda muganda, unoenderera mberi nekutenderera nemumuviri wemunhu uchifamba neropa rake. Munhu anenge abatwa nechirwere cheGTS, anoita zviratidzo zvakadai sekurutsa, kupera simba, kuita dzungu, kurwadziwa nemudumbu, kutemwa nemusoro, kunetseka kufema, kutsvukuruka kana kucheneruka kweganda uye anodikitira zvakanyanya zvinoita kuti Bp yake ichikwire nekudzika hana ichirova zvikuru,” vanodaro.

Vanokurudzira varimi kuti pese pavanopinda muminda yefodya vange vakapfeka hanzu dzedziviriro (Personal Protective Equipment (PPE).

“Chirwere ichi chakaipisisa saka varimi ngavapfeke mbatya dzinovhara maoko nemakumbo kana mawork suit, magirovhosi uye tinokurudzira kuti paya pavanenge vava kubva muminda vageze maoko nemvura ine sipo, vachigeza nemazvo,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezvekurima inoratidza kuti nyika dzakadai seChina, Brazil neUnited States dzine vanhu vanodarika 15 miriyoni vanorima fodya nekuivandudza.

Zvakaonekwa kuti vanhu vanokohwa fodya vachishandisa maoko avo, zvikuru sei munyika dzichiri kusimukira idzo dzisina michina yekukohwa neruzivo rwepamberi, vari panyatwa huru yekubatwa nechirwere ichi.

Varimi vefodya, avo vanopinda muminda kuchangobva kunaya kana kuti muine dova, vane mikana yakawanda yekubatwa nechirwere ichi apo mbatya dzavo dzinotota dzozara uturu hweNicotine.

Nekudaro varimi vanokurudzirwa kuti vakurumidze kubvisa mbatya dzavo kana dzichinge dzatota apo vanofamba mufodya uye kuti vadzoreredze mvura mumuviri kana varwara nenzira yekuti vanenge vachirutsa pamwe nekuenda kunoona vanachiremba nekukasika.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×