Nyangwe anosvikirwa anofa

NDAKANYORA paProfile yangu yeWhatsApp kuti “Kufa kwako ngakurege kukutyisa.” Ndakanzi nemumwe munhu, “Musadaro nekuti kufa kwagara kunongotyisa.”

Ichokwadi kufa kunotyisa. Kufa kunokutyisa kana uchinge uchifunga kuti nyika ino, mota, mari, basa rakanaka, runako rwechiso, kutyiwa nekukudzwa nezvimwe zvakadaro ndizvo zvinhu zvakakoshesesa muhupenyu, asi wozoona kuti nyangwe anosvikirwa, kana muporofita kana muroyi anofa.

Kwandiri, hupenyu hausi miviri yedu inoda sadza nenyama, kana zviso zvedu zvatinoisa make-up. Hupenyu chaihwo huri mumweya wako, uye mweya hauisike make-up kana kuzorwa mafuta. Kana wafa, mweya ndiwo unosara uri mupenyu – uchitsvaga hupenyu hwakatambiswa nenyama.

Saka ndinotya kufa ndiri mumawoko epfambi ndichifadza nyama. Ndinotya kufa ndiri pakati pekuverenga mari yekuba asi ndisina kumboverenga Bhaibheri. Ndinotya kufa ndiri pakati pevanhu vanoita simba ravo mwari wavo. Ndinotya kufa ndakanganwa kuti kudenga kuna Mwari akasika denga nenyika, nekuti neniwo wacho ndinenge ndave kuzviona saMwari.

Ndinotya kufa ndiine vanhu vazhinji vanonditevera paTwitter, paFacebook, musango, nemumusangano asi vasingazive kuti Jesu ndiye anofanirwa kuteverwa. Kufa kwangu kunondityisa kana ndikafamba naWicknell tiri mumota inenge ndege, tichitaura nyaya dzehupenyu hwemari, asi ndisina kumbofamba naJesu sezvakaita Cleopas nemumwe mudzidzi vachienda kuEmausi.

Vakafamba naJesu, vachitaura nezvaJesu, asi vasingazive kuti ndiJesu. Vakazoziva Jesu pakapera rwendo rwavo, agara navo kuti vadye. Asi havana kana kuzodya chingwa chakaropafadzwa naJesu, nekuti vakabva vaguta nekuziva kuti Jesu wavaichema kuti akafa aive mupenyu.

Havana kuzonzwa kuneta zvekuti vakadzokera kuJerusarema kunoudza vamwe kuti Jesu mupenyu. Neniwo ndinoda kufa ndichifamba kunoudza vamwe kuti Jesu mupenyu, kwete kufambira chikwereti.

Kufa kwangu kunondityisa kana ndikapemberera birthday rangu sekunonzi vamwe vanhu vese havana kumbozvarwa. Kupemberera birthday rangu zvekuti ndinoita mabiko anoparadza asi achitadza kupa nherera neshirikadzi. Mabiko anoparadza kunge birthday raHerodhiyasi rinosvitsa munhu pakukumbira musoro waJohani Mubhabhatidzi kuti uuye uri mundiro. Kupembera kunoparadza.

Kuda zvinhu kusvika pakutora nezvausina basa nazvo – kuti ungoti chete ndinazvo nyangwe ndisingazvishandise. Ko mukutora zvese nekuzviunganidzira zvese, wadii watorawo shoko raMwari. Iroro rinokuudza kuti munhu chii, uye akasikirwa chii.

Kufa kwangu kunondityisa kana ndikada muporofita zvekutenga hembe yaanga akapfeka. Kana ndave nayo hembe inonhuhwirira perfume yemunhu waMwari, ndobva ndati zvangu zvaita, nekuti kana kunamata ndinenge ndisisanamate Mwari. Ndinenge ndave kunamata hembe yemuporofita. Ndiyo inenge yondivhurira mikana nekundipa ropafadzo.

Hembe yandakatenga kumuporofita yondisimudzira kuenda pamusoro-soro kubasa, munyika pamwe nekudenga!

Asika, denga nderaMwari, uye denga inyasha kwete mari kana mafuta kana mufundisi kana muporofita. Ndinotya kufa rutendo rwangu rwuri mumunhu, kwete muna Jesu akandifira pamuchinjikwa. Jesu akauya panyika kuti ini newe tigozokwanisa kuona Mwari, Baba vake, naBaba vedu.

Kufa kunouya nenzira dzakawanda, asi kazhinji tinofunga kuti kufa ndiko kuye kwekuti unoitirwa mariro, chitunha chako choiswa mubhokisi, wobva watakurwa neNyaradzo kana Doves uchinovigwa. Kwete, kufa kuri pakawanda. Unogona kufa iwe uri mupenyu. Kufa iwe uchitotaura nevanhu, uchiita zvese zvinoitwa nevapenyu. Ndinotya kufa ndisina hukama hwakanaka naMwari. Ndinotya kufa ndichiimba kuti, “Pungwe, kusvika kwati ngwee!”

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×