Nyaya humhondi yaburitswa nengozi kwapera makore 13 . . . Vemhuri vakawirana kuivanza

Kingstone Mapupu

NYAYA yehumhondi hwakaitwa mugore ra2015 mumhuri yaiva nechipari chemadzimai maviri kupurazi reMatedza kwaMambo Chimoyo, kwaMutoko apo mwanakomana wemudzimai mudiki akaponda vahosi achivapomera mhosva yehuroyi yakazoburitswa nengozi yava kusvika pamwanasikana kwapera makore gumi nematanhatu.

Munyaya iyi zvinonzi mumwe wevanakomana vekumudzimai mudiki akaenda ndokunotanga abata chibharo amaiguru vake vaiva mudzimai mukuru wababa vake.

Anonzi akazovaponda nekuvadzipa nekuda kwekuti vekumhuri yemudzimai mudiki vaipomera vahosi ava huroyi.

Mutauriri wemhuri iyi, VaEphraim Chomusina (59), vanova mwanakomana wemudzimai akapondwa uyu, vanoti amai vavo vainzi Susan Madhuku ndivo vakapondwa nemwana waamainini vavo.

“Baba vedu, VaElias Madhuku, avo vakazoshaika zvavo vaiva nemadzimai maviri aisanganisira amai vangu vaiva vahosi naamainini mudzimai mudiki. Mhuri yekumudzimai mudiki yaipomera amai vangu kuti vaiva varoyi zvakazoita kuti mwana mukomana waamainini akazoenda neusiku ndokunotanga abata amai vangu chibharo ndokuzovauraya,” vanodaro VaEphraim Chomusina.

Vanoti nyaya iyi yakazogadziriswa nevemhuri iyi pasina kusvitswa kumapurisa kana kuvakuru venzvimbo iyi vakaita semadzishe kana masabhuku kusvikira mutumbi wemudzimai uyu wavigwa.

“Sezvo baba vaiva vachiri vapenyu panguva iyi, vakazivisa sekuru Ranganayi Muranga tezvara wavo hanzvadzi yaamai vedu nezvechiitiko ichi. Nyaya iyi yagarwa pasi akaponda uyu akavimbisa kupa sekuru ava mombe nhatu neUS$300 yekuripa humhondi hwaakaita uhwu.  Nyaya iyi ichibva yanyararwa vanhu vose ndokutsindidzwa kuti kusawanikwe anozvitaura,” vanodaro VaEphraim Chomusina.

Vanoti zvisinei nekuvimbiswa kwakaitwa sekuru vavo kuti vacharipwa,  hapana chavakazopihwa kusvika pari zvino.

Vanoti nyaya iyi yakazomuka gore rino apo mwanasikana wavo wemakore gumi nematanhatu akatanga kubatwa nengozi yaambuya vake vakapondwa ava ichitaura kuti inoda kuripwa.

“Mwana wangu wechitatu musikana ava kubatwa nengozi yaamai vedu vachida kuripwa.  Takazoshevedza sekuru vedu, Ranganayi Muranga, tikazofamba kune vamwe vanachiremba vechivanhu tichitsvaga rubatsiro apo ngozi iyi yakanotaura maurairwo ose akaitwa munhu nezvainoda kuripwa nazvo. Imwe n’anga yaona kuti paiva nemhosva, yakazotiperekedza kumapurisa kuCharge Office ZRP (muHarare) uko takanomhan’ara nyaya iyi,” vanodaro VaChomusina.

VaRanganayi Muranga vakataurwa navo panhare vakatsinhirawo nyaya yekuti hanzvadzi yavo yakapondwa uye vakataurirana nevazukuru vavo kuti varipe asi hapana chavakazombopihwa.

“Chokwadi hanzvadzi yangu yakapondwa nemwana wemudzimai mudiki vachipomerwa huroyi tikagara pasi semhuri kuti varipe ndikavimbiswa mombe mbiri neUS$300 pasina chakazombouya. Parizvino, pane mwana ava kusvikirwa nengozi uye nyaya iyi yava kumapurisa,” vanodaro VaMuranga.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakamhan’arirwa kuHarare uye yakazounzwa kudunhu ravo sezvo munhu ari kupomerwa kupara mhosva iyi ave kugara kuRushinga.

“Ichokwadi, nyaya iyi tinayo yakamhan’arirwa kuHarare yechembere yakapondwa mugore ra2015 kwaMambo Chimoyo kwaMutoko. Munhu ari kupomerwa mhosva yekuponda iyi  anonzi ava kugara kuRushinga. Nyaya iri kufeewa,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanoti nyaya iyi ine magwaro ekunyorerana pasi kwemhuri iyi ekubvuma mhosva apo vakaita dare mugore ra2015.

“Tinoyambira veruzhinji kuti hakuna mhosva inogadziriswa nemhuri yakaita sekupondana, chibharo nedzimwe. Mhosva dzose dzinofanirwa kusvitswa kumapurisa vanhu vosungwa. Zvakadai, mapurisa edu ari mubishi kutsvaga murume anonzi akabata chibharo ndokuponda mudzimai uyu,” vanodaro Insp Mundembe.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×