O-LEVEL — KEREKE INOFA: Mabasa emafoni

Munyaradzi Gunduza
12. TSANANGURA kuti kushandiswa kwemafoni kunobatsira sei kusundidzira rongetedzo yenyaya mberi muna Kereke Inofa. [25]

Pastor Mwenje vanoshandisa foni kusandura mafambirwo erwendo rwekuUK. Zvinojekeswa mushure mesvondo pavanenge vari muchechi mavo vakagara naSarah naZebra ndokuverenga tsamba yavakanga vatumirwa mufoni. Izvi zvinoita kuti vazoudza Sarah naZebra kuti havachakwanise kuenda navo vese kuUK, vave kuda munhu mumwe chete pahuviri hwavo.

Mafoni anoita kuti Charles asaverenge mabhuku ekuchikoro. Izvi tinozviona paanopedza nguva zhinji achiita zvefesibhuku pafoni yake achitadza kuverenga zvinoita kuti azotadza kuwirirana nehanzvadzi dzake Beauty naJudith. Beauty anozotanga kurayira Charles achiti aifanira kungwarira fesibhuku nekuti inomudyira nguva yechikoro.

Susan anoziva nezvaDance mushure mekunge ataura naBeauty pafoni. Izvi zvinojekeswa panorira foni yaBeauty ari muimba yekutandarira kuBudiriro. Paanopedza kutaura pafoni anodzinga Charles naJudith kuti vaende kumipanda yavo. Pavanobuda anosara achiudza amainini vake, Susan nezvaDance ainge abva kumufonera. Kushandiswa kwemafoni kunoita kuti Susan adanane naDance chikomba chaBeauty mwana wemukoma wake. Izvi tinozviona Susan paanoenda kunoona furati rakanga ratengerwa Beauty naDance. Beauty paanobuda panze Susan anosara achikumbira nhamba dzefoni yaDance ndokuzomufonera zvinoita kuti vazopedzisira vave kudanana.

Mafoni anobatsira pakuronga rwendo rwekuUK rwaSarah naPastor Mwenje. Zvinoonekwa Sarah paanobuda mumba maJoram akagumbuka nemashoko ake ekunzi aichemera kuenda kuUK. Anofonera Pastor Mwenje ndokukasika kusvika kuMufakose kwaaive nemotokari kuti varonge mazano ekuenda vese kuUK pasina kukundikana.

Zebra anoshandisa foni kuzivisa Mary nezvekutumirwa mari. Izvi zvinobuda Zebra paanenge ari kuZimbabwe ndokufonera Mary aive kuUK achimuudza kuti akanga atumirwa mari yakawanda zvikuru naSarah yekuti apedzise kuvaka imba yavo yekuGlen View 7. Izvi zvinoita kuti Mary azonyumwa kwakawanikwa mari iyoyo naSarah asi asingashandi basa raimupa mari zhinji.

Mary anoshandisa foni kuzivisa Zebra nezvekudzoka kwaSarah kuZimbabwe. Tinozviona paanofonera Zebra ari kuUK achida kunzwa kuti Sarah akanga asvika kuZimbabwe here sezvo aive abvako kwemasvondo matatu aive adarika aina Pastor Mwenje. Izvi zvinoita kuti Zebra nemhuri yake vazoshushikana vachishaya kuti Sarah aivepi kwaakanga atora nguva refu asati asvika kumba.

Related Posts

 Mabhurugwa evanhukadzi otsakatika akayanikwa pawaya . . . vamwe votevera kasingagumi

Kingstone Mapupu MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.   Zvipfeko zvemukati zvemadzimai…

Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya. Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×