Munyaradzi Gunduza
Kukosheswa kwen’anga pasichigare (Tinoenderera mberi)
N’anga dzaibvunzirwa zvinetswa pasati parohwa guva. Tinonzwa nezwi remunyori kuti mudunhu raMambo Mupambi maive netsika yekuti kana guva risati rarohwa vanhu vaitanga vambozvifambira kun’anga vachinzwa kuti mufi aive ava kukwanisa here kurohwa guva, kana asati vaipihwa zvikonzero zvacho.
Pasichigare n’anga dzaibvunzirwa pakafa munhu zvisinganzwisisiki. Tinonzwa nezwi remunyori kuti munyika yaMambo Mupambi vaiti munhu akafa masikati machena vaienda kunobvunzira kun’anga kuti sei midzimu yavo yavapira gotsi.
N’anga dzaibatsira kutungamirira hondo. Tinozviona Mambo Mupambi pavanoronga varwi vehondo yaienda kunobatsira Pondai kurwisa Mambo Chakaingesu. Pachikwata chemauto aya paive nen’anga shanu dzaizovapa mazano pahondo yavainorwa.
Pasichigare n’anga dzairapa vanhu. Izvi zvinoonekwa mudunhu raMambo Chakaingesu munonzi vemumuzinda wamambo vaingoti mwana akapisa muviri vaimhanya kunorovesa hakata kun’anga dzaisanganisa Kandishaya naMapfumo.
Kare n’anga dzaive nebasa rekuchengetedza misha. Tinonzwa nezwi remunyori kuti n’anga inonzi Kandishaya yemudunhu raMambo Chakaingesu yaigadzira ruzhowa rwekupinga varoyi pamusha.
Tinoenderera mberi svondo rinouya.
. Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.
SHOKO HARIVHIKWI
Mubvunzo nemhinduro yesvondo rakapfuura
12. Sarudza nhetembo imwe chete yaSolomon H. Munorevesa nembiri dzaMedia Mugandani dzine dingindira rerumbidzo nezvidavado zvakashandiswa. Tsigira zvizere nenhetembo dzavo dziri muna Shoko Harivhikwi. [25]
Vadzidzi munosungirwa kusarudza nhetembo imwe chete yaSolomon H. Munorevesa nembiri dzaMedia Mugandani dzinotaura zverumbidzo nezvidavado zvinowanikwa madziri. Zvadaro, munodoma pfungwa yerumbidzo nezvidavado zvakashandiswa muchipa tsigiro dzizere.
Detembo raSolomon H. Munorevesa rine pfungwa iyi ndiWedenga uye dzaMedia Mugandani ndeidzi; Nyadenga naNdinotenda mhai.
Muna Wedenga, nyanduri anotanga nekuyemura rudo rwaMusikavanhu nekuti rwakawandisa sepaanoti, “Ndimi zvenyu vemwoyo, dziva rerudo.” Nyanduri ari kurumbidza Mwari nekuti vanotichengeta tese sepaanoti, “Yedu mweya ndimi muchengeti.” Nyanduri ari kurumbidza Musiki nekuti vanotipa chekudya sepaanoti, “Kwamuri imi edu mahobi ongochingidzira.” Nyanduri anoshandisa chidavado chefananidzo sepaanoti, “Tiripo pasi penyu, senhiyo mubapiro remhambo.”
Mudetembo raMedia Mugandani rinonzi Nyadenga, anorumbidza Mwari nekuti mukuru kune vese vane zvinhanho sepaanoti, “Tinotenda Mambo wemadzimambo.” Nyanduri ari kurumbidza Mwari kuti vanoramba vachingotida kunyangwe zvedu tiri vatadzi sepaanoti, “Munoramba muchitidzikinura isu vatadzi.” Nyanduri anoti nyika zhinji nhasi uno dzinopa mbiri huru kuna Mwari sepaanoti, “Nyika dzose dzinokurumbidzai.” Nyanduri anoshandisa chidavado chehwevazwi sepaanoti, “Tinotenda Mwari wee.”
Mudetembo repiri raMedia Mugandani rinonzi Ndinotenda mhai, anotenda amai vake nekushingirira kwavakaita kumuchengeta sepaanoti, “Ndinotenda mhai, nekuti maishingirira kundiriritira.” Nyanduri ari kurumbidza amai vake nekumuendesa kuchikoro kwavakaita kunyangwe zvazvo zvinhu zvainge zvakavaomera sepaanoti, “Makandidzidzisa kushingirira, panguva yemafungu.” Nyanduri anoshandisa chidavado chedimikira sepaanoti, “Hamuna kuora mwoyo.”
Sarai muchiita tsvakurudzo dzemubvunzo unotevera:
13. Kubva muna Shoko Harivhikwi sarudza nhetembo ina dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana ugotsanangura kuti vanonyunyuta nezvei mudetembo rega rega. [25]
Ndichakupai mhinduro yacho svondo rinouya.
. Zvinyorwa izvi zvinowanikwa mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).




