O-LEVEL — RUKUVHUTE: Hondo yeChimurenga

Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tinoenderera mberi nemubvunzo watakatanga svondo rapera unoti; Sarudza nhetembo dzinobuda muna Rukuvhute dzinoburitsa dingindira rezvematongerwo enyika/hondo yeChimurenga.

Zvino takaongorora nhetembo mbiri dzinoti; Ndipo patakamuviga pano naPakamungoma.

Pari zvino tichatanga nekupedzisa ongororo yaPakamungoma yakaperera panzira svondo rapera.

Chinangwa chekuti magamba ange achiimbirwa munguva yehondo chaive chekuti vanzwe manyawi ekuenderera mberi nehondo sepanonzi, “Taiimbiraka edu maombo, kupa varwi vedu simba rechipembere.”

Kuimba nziyo munguva yehondo kwaive kuti midzimu yevanhu vatema ipe ushingi kuvarwi vehondo yerusununguko sepanonzi, “Taiimbiraka yedu midzimu kuti itipe ushingi hwemvumba.”

Nyanduri anoti pavaive paKamungoma vakanga vakavarairwa ndokuzongonzwa patokandwa zvinonhuwa sepaanoti, “Zvakazongouya sechiroto wanei denga rangova gutukutu.”

PaKamungoma pakafira magamba akawandisa zvikuru sepanonzi, “Ropa rakaita bvacha-pfacha kuerera rwenge Dewure.” Nyanduri anoti papungwe yaiita paKamungoma pane vanhu vakawanda vakafira kusunungura nyika yeZimbabwe sepanonzi, “PaKamungoma, papungwe, vakaifira nyika yababa.”

Munhetembo yakanzi Hadzisi nhema nyanduri anoburitsa nyaya yezvematongerwo enyika yaiitika muhurumende yevapambevhu.

Anoti vanhu vaifamba vasina kunyatsosununguka sepaanoti, “Ndaifamba ndakauna semukuwasha patezvara uku nguwani ndakatyorera muhapwa semunyai.

Munhetembo iyi munobuda pfungwa yekuti vanhu vatema vaisapihwa ruremekedzo nevachena sepanonzi, “Sekuru vako ndaive imbwa yemumwe murume mudiki pandiri pazera aindidaidza achiti boy.”

Muhurumende yevachena vanhu vatema vaibatirirwa zvikuru kuburikidza nekubhadhariswa mutero wekuchengeta imbwa sepanzi, “Mumaoko ndakabata chumi yemutero weimbwa.”

Tinopedzisa mhinduro yemubvunzo wesvondo rino resvondo rinotevera.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×