Opunduka nemadiridziro

Kingstone Mapupu
MURIMI wemumusha waSabhuku Dzingwa kudunhu raMambo Chiswiti kuMt Darwin, kuMashonaland Central oita zvinorova nekurima nguva yose yegore achishandisa madiridziro nemvura yaanokweva kubva mugomo riri padyo nemusha wake chinova chirongwa chasimudzira zvikuru kuwanikwa kwezvirimwa zvakasiyana munzvimbo iyi.

Dunhu reMt Darwin rinowanikwa muchikamu cheRegion 4 ne5 uko kusinganaye mvura yakakwana nekudaro chirongwa chemadiridziro ichi chiri kurumbidzwa zvikuru nevagari veko.

VaDzivirirai Njerama (41) vanoti vakavamba chirongwa chekudhonza mvura mugomo ichi makore matatu akadarika vachirima mumunda wavo wakatandavara hekita imwechete mushure mekugara vachitsvirwa nezvirimwa zvavo nekusanaya kwemvura zvakanaka.

“Mushure mekuona kuti dunhu redu harinaye mvura zvakanaka, ndakaronga kudhonza mvura mukati megomo iyo ndinoita yekukweva nemapombi chinhambwe chinoita kiromita imwechete nechidimbu ndichiunza mumunda mangu. Hapana hinjini yandinoshandisa kudhonza mvura iyi, inongodzika ichibva pamusoro pegomo nemumapombi ayo ndakaisa. Changu kudiridza chete, ndakatoisa mapombi emaoverhead sprinklers nemamwe anodiridza ari pasi. Ndinorima mbesa dzose dzakaita senzungu, derere, muriwo, ndine mabanana, bhinzi, miti yemaranjisi, muriwo nezvimwewo zvirimwa zvinonyanya kundipa mari munguva yechirimo zvakaita sechibage chinyoro,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mvura iyi ndinoitora mugomo reNyadutu iro rine mvura yakawanda zvikuru iyo ndinodhonza nemukati memipata yematombo. Handina imwe mari yandinoshandisa kunze kwemapombi andakatenga nemasprinklers chete, changu kutenga mbeu dzezvirimwa zvakasiyana ndodyara nekuisa manyowa mumunda mangu. Izvozvi ndine chibage chinyoro, derere, muriwo, mabanana ndinawo, michero yemaranjisi,” vanodaro VaNjerama.

Chirongwa ichi chiri kuwanisawo vanhu venharaunda yavo mabasa akadai sekusakura muminda iyi, kutemha zvirimwa nekuitawo mamwe mabasa.

VaNjerama vanoti zvirimwa zvavo vanozvitengesa munharaunda yavo zvakare.

Vanoti vari kuchera kadhamu kaduku sezvo vaine hurongwa hwekuzopfuya hove vachitengesera zvakare vagari vemunharaunda iyi.

“Ndava padanho repamusoro nechirongwa chekuvaka fish pond iyo yangosarirwa nekuisa mapurasitiki nekuzoisa fenzi. Asi, dambudziko randava naro ndinoda kubatsirwa nezvimwe zvinhu zvakaita sefenzi nemapurasitiki aya neruzivo rwekupfuya hove. Ndinotenda zvikuru vagari vemuno nekunditsigira, vanotenga zvirimwa zvangu vanosanganisira vemumisha, vepachikoro chepaTsenga Primary nesekondari yacho uyewo nevemunzvimbo dzemabhizimisi dzinoti Tsenga, Chiswiti nezvimwe zvikoro zvirimo,” vanodaro.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×