Oroverwa ‘dhimoni’ risingade imba

Nyasha Bvudzijena

MUDZIMAI anogara mumusha weMbare, muHarare, anoti ari kurarama nekugarozvindikitwa nemurume wake achiti ane mweya wetsvina wakamugara unotoda kudzingwa uchiita zvekurohwa.

Pauline Nemacha akamhan’arira James Chirambadare kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

Nemacha anoti Chirambadare ari kugara achimurova nekumutuka izvo zviri kukonzera matambudziko muwanano yavo.

Mutongi Tilda Mazhande akapa Nemacha gwaro rinomudzivirira.

“Uyu murume wangu asi anogara achindirova nekundituka achiti ndine dhimoni risingade imba sezvo tave nemakore tichinetsana kubva taroorana.

“Iko zvino vana haasi kuchengeta, ndikamukumbira mari inoita hondo chaiyo,” anodaro.

Nemacha anoti haasi kugara pamba kubva mwedzi waMbudzi wadarika sezvo akatandaniswa naChirambadare pamwechete nevana. “Ndinokumbirawo dare rimise baba ava kundidzinga pamba kana kundirambidza kusvika paimba yedu yewanano nekuti ndiri kutambudzika nepekugara nevana,” anodaro.

Chirambadare anopikisa chikumbiro chemudzimai wake achiti ava nemakore akawanda asina kumbomurova.

“Changamire, mai ava handivashungurudze asi chiri kunetsa ndechekuti tikaita dambudziko mumba, hama dzavo dzinopindira nekuda kundirwisa.

“Hanzvadzi dzavo dziri kuuya dzichitora midziyo yangu kusanganisira imwe motokari yandisati ndatombopedza kubhadhara izvo zvave kukanganisa basa rangu,” anodaro Chirambadare.

Anoti mudzimai wake munhu asingaterere kana kumuremekedza sababa vemba sezvo achiita zvaanoda nenguva dzaanoda.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *