‘Unotuma shamwari dzako kundipfimba’

Nyasha Bvudzijena

MUDZIMAI wemuHarare — uyo anoshanda muchiuto — anoti ari kuoneswa pfumvu neaimbova murume wake uyo waanoti anotuma shamwari dzake dzaanoshanda nadzo kuti dzimupfimbe izvo zvave kuda kuparadza wanano yake itsva.

Yolanda Yotamu akamhan’arira Kennedy Chinyaungwere kudare reHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

Yotamu anoti Chiyaungwere ari kumushaisa rugare muwanano yake.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Yotamu gwaro rinomudzivirira.

“Murume uyu anoudza vanhu kuti ndiri pfambi isingarambe murume wose auya achindipfimba, asi anotoziva kuti ini ndakaroorwa.

“Izvi zviri kundibhowa nekuti uku kundichipisa nekundibvisa chimiro uye ndave kugara ndakanetsana nemurume wangu mumba,” anodaro Yotamu.

Anoti anoda kuti dare rimise Chiyaungwere kuti asasvike pamba pake zvose nekubasa.

“Murume uyu haadi kuriritira vana vake, kumashure uku akambondirova ndapisa hembe dzemubhero dzaakanga avatengera nekuti ndaisada kuti vapfeke zvinhu zvisingaite,” anodaro Yotamu.

Achipawo divi rake, Chiyaungwere anoti Yotamu ari kutsiva sezvo ari iye akatanga kumumhan’arira kudare.

“Mai ava vari kurwadziwa nekuvatorera kwandakaita gwaro rinondidzivirira saka uku kuda kundikaurisa nekusvibisa zita rangu chete. Inini handinei naye sezvo takasiyana makore matatu apfuura uye ndatove neimwe mhuri,” anodaro.

Mutongi Miti anoti dare harigone kumisa Chiyaungwere kuti asasvike pabasa panoshanda Yotamu sezvo vose vachishanda muchiuto asi kuti vanofanirwa kuchengetedza runyararo pakati pavo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×