Ovimbisa sekuru rufu

Kudakwashe Chinokuya
TSUMO inoti, “Kurera imbwa nemukaka mangwana inofuma yokuruma” yakazadzikiswa kumumwe murume uyo anoti akaudzwa nemuzukuru wake kuti anoda kumuuraya nemhuri yake yose mushure mekunge amuudza kuti hazvichaita kuti varambe vachigara vose sezvo ayaruka.

Collen Nyanhete akaendesa muzukuru wake, Simbarashe Gengezha, kuHarare Civil Court achiti anomushungurudza.

“Muzukuru wangu uyu akauya mumwe musi manheru pamba pangu akabata zibanga achida kundiuraya nemhuri yangu nekuti ini ndakamuti handichada kugara naye,” akadaro Nyanhete. Nyanhete akati Gengezha akange oita tsika yekuuya neshamwari dzake pamba pake idzo aida kuti adzichengete zvakare.

“Nyaya pakati pangu nemuzukuru ndeyekuti ndakamurera zvikakwana uye ava kuwanza shamwari dzake pamba pangu. Pane shamwari yake yakanga yava kuita madiro pamba pangu. Semunhu wandaichengeta, zvakandiremera kuti ndichengete zvakare shamwari yake.”

Gengezha akaudza dare kuti sekuru vake vakamudyira mari yaaida kushandisa kutsvaga imba yekugara oga.

“Pandakauya neshamwari yangu sekuru Mutongi Barbra Mateko akapa Nyanhete gwaro rerunyararo ndokuti vaviri ava vagarisane zvakanaka.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×