Munyori weKwayedza
MUTUNGAMIRI wenyika, President Mnangagwa, vanoyambira vane katsika kekuchekeresa vanhu, vanoita mhirizhonga yezvebonde uye vanoshandisa dzimwe nzira dzekushungurudza vamwe kuti vacharangwa zvakasimba maringe nemutemo, sezvo mhosva
dzerudzi urwu dzisina nzvimbo zvachose muZimbabwe.
Izvi zvinotevera kuwanda kuri kuita nyaya dzevanhu vari kuchekeresa vamwe pamwe chete nemhirizhonga ine chokuita nebonde.
Vachitaura pamusango weZANU PF Politburo kumuzinda webato riri kutonga iri muguta reHarare nemusi weMuvhuro svondo rino, President Mnangagwa vanoti Zimbabwe inyika inokoshesa upenyu hwevanhu.
“Ndinonzwa kurwadziwa nenyaya dzinosuwisa uye dzisingafaniri kunge dzichiitika dzekuparwa kwemhosva dziri kuona upenyu hwevechidiki nevana huchirasika, kusanganisira kuurayiwa nenzira dzekuchekeresa, mhirizhonga ine chokuita nebonde, pakati
pekumwe kushungurudzwa.
“Tiri nyika inokoshesa upenyu hwevanhu, huchipembererwa nekuchengetedzwa zvakanyanya,” vanodaro President Mnangagwa.
Vanoti avo vane chidokwadokwa chokuda kutora mukana werunyararo rwuri munyika, vopara mhosva dzakasiyana-siyana, havana nzvimbo muZimbabwe.
“Tiri nyika ine rugare nerunyararo,” vanodaro President Mnangagwa.
Izvi zviri kuuya panguva iyo nyika yose ichiri kukahadzika zvichitevera kufa kwevana vatatu, vane mitumbi yakawanikwa iri mubhuti remotokari isisafambi kuKuwadzana, muHarare, nguva pfupi yadarika.
KuMasvingo, mapurisa ari kutsvaga Morgen Gwazira (33), wemubhuku raMachingambi, kwaMambo Mugabe.
Ari kupomerwa kuuraya mudzimai wake, Liliosa Gwenhamo, uyo aive nemakore 34 okuberekwa, nemusi weMuvhuro svondo rino apo anonzi akamutema nedemo, ndokubva akanda mutumbi wake mumoto pamusha pavo.
Mune imwewo nyaya, kuBindura, mapurisa ari kuferefeta kufa kwaGarikayi Junior Kamwendo (27), ane mutumbi wakawanikwa uri mune rimwe sango wave kutoora. Mutumbi uwu waive wakadamburwa-damburwa uye usina musoro nesikarudzi.
Nyaya dzose idzi dziri kuferefetwa apo mapurisa ari kuedza kuti abate vanofungidzirwa kuti ndivo vakapara mhosva dzacho uye pagozozivikanwa zvinangwa zvavo.



