Fidelis Chavarike
MURUME ane makore 36 okuberekwa wemumusha waDhlohlo, kwaMambo Mahenye, kuChipinge, akafa mushure mekurumwa nemvuu apo airedza hove murwizi rwaSave.
Chiitiko chinosiririsa ichi chakatora nzvimbo masikati emusi wa10 Gumiguru.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi, vachiti mushakabvu ndiGibson Ndlovu, uyo ainge aenda kunoredza hove nemunin’ina wake, Edward Ndlovu (31), naVardo Matwasa (28),
paakasangana netsekwende iyi.
“Vakanga vari mushishi kuredza hove munzvimbo dzakadzika dzerwizi Save apo mvuu yakangoerekana yanyuka, ichibva yananga kwavari. Vakaedza kushambira kusvika kumahombekombe erwizi asi mhuka iyi yakabata Gibson ndokumuruma.
“Akabva anyura mumvura, apo vamwe vaviri ava vakakwanisa kupukunyuka vasina kukuvara, vakazozivisa Cephas Ndlovu (53), uyo akazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa eZRP (Zimbabwe Republic Police) Chisumbanje,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.
Mapurisa nechikwata cheZimbabwe National Parks and Wildlife Authority vakazoenda panzvimbo iyi, vakawana mutumbi waGibson wakayangarara pamusoro pemvura murwizi uine maronda akadzika muhapwa nekumusana.
Asst Insp Chinyoka vanokurudzira voruzhinji kuti vangwarire zvakanyanya kana vari pedyo nenzizi nemadhamu anozivikanwa kuti ane zvikara.
“Tinokurudzira vanhu, zvikuru avo vanorarama nekubata hove kana mabasa emunzizi, kuti vangwarire uye vasiyane nekuenda kunzvimbo dzakadzika kana dzakavandika dzinowanikwa mhuka dzine njodzi dzakadai semvuu nemakarwe,” vanodaro.



