Runga mutauro nenyaudzosingwi

Ticha Danga
MAITIKIRO ezvinhu anosiyana. Kana totaura nekunyora ChiShona zvinogona kuratidzwa kusiyana kwazvo kana tichishandisa nyaudzosingwi.

Nyaudzosingwi ndidzo dzega dzinogona kubururitsa pachena maitikiro chaiwo ezvinhu. Ndipo panoratidza kunakidza nekusimba kwemutauro weChiShona.

Kungava kudya, kufamba kana kuseka, kunoitika nenzira dzakasiyana izvo zvinogona kuratidzwa kana tichishandisa nyaudzosingwi. Muchirongwa chino tinoda kutarisa nyaudzosingwi tichishandisa misoro yakasiyana.

Kufamba:

Vanhu vanofamba asi mafambiro anosiyana zvichienderana nezvinenge zvichiitika. Kana munhu achinyangira anoti nyahwa nyahwa asi kana iri mbuswe yerume inonyinda nekusimba kwayo inofamba ichiti tandabvu tandabvu. Munhu akareba anofamba achiti razvu razvu akaonda anoti kwedeya kwedeya. Zvisikana zvinozvida zvinofamba zvichiti sweta sweta. Zvidhakwa kana zvobva kundari zvinofamba zvichiti tatara tatara.

Kugara:

Zvirokwazvo kwese kugara asi nyaudzosingwi dzinobva dzaburitsa magariro acho. Munhu asina tarisiro yekusimuka paakagara nekukurumidza tinoti akati tende kugara asi munhu mukobvu akagara pasi tinoti akati pweshe. Kana vanhu vakaungana panzvimbo pavanogara pasi vachiita chinhu chimwe chete sepanhimbe vanonzi vakati mboya mboya kana kuti ware ware kugara pasi.

Kuchema:

Nyaudzosingwi dzinoburitsa kusiyana kwemachemero anoita vanhu. Mumwe anobongomora mhere asi mumwe anogona kungoti pfiku pfiku. Mumwe munhu anogona kuti mhere kwetsu kunyanya uya anenge abirwa kana kunzwa shoko rerufu. Vakashiva ndivo vane misodzi inongoti mokoto namatama.

Kubvaruka:

Chinhu chasakara chinoti mwau kubvaruka. Saga rinenge rakazara chibage kana zviyo rikazvuviwa rinoti mwechu kana kuti bvaju kubvaruka. Munhu akamanikidzira chipfeko chidiki kwaari chinoti padu kubvaruka. Huni dzemupuranga dzakaoma dzinoti tsemu kana pachishandiswa bheura kudzitema.

Kuseka:

Madzimai kana akagara achizeya nyaya panowanikwa vamwe vane zvipo zvekutaura ny’ambo vamwe vobva vati bvuu kuseka. Kasikana kanogona kuti pwati kuseka kana kachinge kanzwa nyaya inonakidza.

Kuny’ura:

Kuny’ura kunosiyana zvichienderana nechiitiko. Zvikomana kana zvichifudza mombe zvinoda kudhigidha zvikuru. Zvinosvetukira kuti nyuda mudziva. Kuti ny’ai kuny’ura zvachose zvekuperera mumvura sezvinoita dombo. Kuti chubhwi kupinda mumvura munhu asingafungire. Zvino kana munhu any’ura mumadhaka zvakadzama tinoti ati tindindi.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *