Rwatata kudya namambo

USAVI hwerwatata kudya namambo uye nyama iyi ine kudya kunodiwa nemuviri kunosanganisira iron iyo inosimbisa mapfupa nekubatsira kuwedzera ropa pamwechete nemapuroteni.

Kare, nyama yerwatata yainzi yaidyiwa nevazukuru bedzi, asi mazuva ano yave yevanhu vose.

Svondo rino, nyanzvi yezvekubika, Taurai Dube wekuBulawayo, anorondedzera mamwe mabikirwo enyama yerwatata.

Zvinodiwa:
Tenga rwatata muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.
Poto kana hadyana yakachena, mafuta, hanyanisi, munyu, matomatisi nebanga.

Mabikiro:
Cheka nyama kuita zvidimbu zvakafanira.

Geza rwatata nemvura yakachena.

Chiisa mupoto kana muhadyana woibika kwemaminitsi 45.
Kanda munyu wakaringana wozoisa hanyanisi, matomatisi nemafuta.
Wozodii?

Kana rwatata rwaibva rwunoonekwa nemuto wakakorera.
Rwatata rwunodyiwa nesadza jena, remhunga, rezviyo, remapfunde kana kuti nemupunga.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *