Zvipfuyo zvopera neshumba… Mombe 16 dzakadyiwa

Luthando Mapepa

MOMBE dzinosvika 16 dzekunzvimbo yeManesa, kwaMambo Mutema, kuChipinge, dzinonzi dzakadyiwa neshumba dzainge dzatiza kubva kuSave Valley Conservancy.

Manesa iri kuWard 3 kumaruwa eChipinge. Varimi vakataurwa navo neKwayedza vanoti vave kugara vachitya zvikara zvesango izvi. Shumba idzi dzinonzi hadzisi kuuraya mombe chete, asi nezvimwe zvipfuyo zvinosanganisira madhongi nembudzi.

VaMuchini – avo vari mubhizimisi rekupfuya mombe – vanoti bhindauko ravo rinogona kudzoserwa kumashure sezvo ruzhowa (fenzi) rwunochengetedza shumba idzi rwakaparadzwa.

“Zvipfuyo zvedu zviri panjodzi yekuuraiwa neshumba idzi uye tatorasikirwa nezvakawanda kusvika pari zvino.

“Svondo radarika, mombe dzinosvika 16 dzakadyiwa uye nyaya yacho haisisina kumira zvakanaka nekuti shumba dzacho dziri kuberekana,” vanodaro VaMuchini.

Kanzura weWard 3 yeChipinge Rural District Council, Mai Rhoda Simango, vanoti vakazama kusvitsa nyaya iyi kune vebazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority asi vakakundikana.

Kwayedza haina zvakare kukwanisa kubata veZimparks kusvika pakunodhindwa kwenyaya ino.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *