Sekuru vosungirwa kubata chibharo muzukuru wemakore 7

neMunyori weKwayedza

VAMWE sekuru vane makore 42 okuberekwa vanonzi vakashaya mwoyo wokubereka apo vakabata chibharo muzukuru wavo ane makore manomwe ekuzvarwa mushure mekumuvhevhetedza kuti vaende kubindu kunotemha muriwo, kunova iko kwavakamubatira chibharo.

Sekuru ava, vatizingachadomi nezita senzira yekuchengetedza mwana uyu, vanonzi vakamushanyira pamba paanogara mumwedzi waNyamavhuvhu nguva dzemangwanani, ndokumuwana ari ega.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachii, vanoti sekuru ava vanonzi vakabva vakumbira kuti mwana uyu avaperekedze kubindu kunotemha muriwo, achibva abvuma.

“Vasvika kubindu kuya, sekuru ava vakabva varadzika mwana pasi, kwave kumubata chibharo kamwe chete, mushure mezvo kwave kumutemhera muriwo, ndokumupa kuti aende nawo kumba. Mwana uyu haana waakaudza nezvenyaya iyi asi vanyeveri vakazozivisa mapurisa nezvayo, pachibva paitwa ongororo, iyo yakaita kuti sekuru ava vasungwe,” vanodaro.

Vanoti nyaya iyi yakazobuda pachena nomusi wa27 Nyamavhuvhu gore rino apo mapurisa eZimbabwe Republic Police Murewa akatambira mashoko ekuti mwana uyu akange ari kumbunyikidzwa panhau yebonde nasekuru vake.

“Mapurisa akaenda panzvimbo yakaitikira nyaya iyi vakakurukura nemwana uyu, achibva afumura gure rose rechibharo. Mwana uyu akazoendeswa kuchipatara kunovhenekwa. Tinotenda voruzhinji nekutiwanisa mashoko akadai, anobatsira mukuchengetedzwa kwevana. Tinoyambirawo vabereki kuti vagare vakatarisisa vana vavo kuti vaone kuti vari kuswera vaina ani uye kupi pane kuvasiya vari voga seizvi,” vanodaro.

Inspector Chazovachii vanoti mazuva ano hazvichadi kuvimba nemunhu wose pavana vako, kunyangwe hama yako chaiyo kana muvakidzani, nokuti vose vanogona kumbunyikidza vana. Vanokurudzira vabereki kuti vachengetedze vana.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *