Shamwari dzorwira murume

Gamuchirai Muzanenhamu
NYAYA yekutsabvurirana murume yakaparadzanisa hushamwari hwaive pakati pemadzimai maviri uye vakazopedzisira vasvitsana kumatare edzimhosva.

Rosemary Ikwanda akaendesa Evernice Madhuveko kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kumutuka, kumutyisidzira nekuenda kumba kwake pose paanoshaya murume wake.

“Mukadzi weaimbova murume wangu, zvino pose paashaya murume wake kumba kwake, anouya kumba kwangu achindituka nepahwindo remba achiita ruzha achideedzera mashoko anonyadzisa,” anodaro Ikwanda.

Anoti Madhuveko haabvume kuti haachadanane nemurume wake.

“Haanzwisise kuti ndakarambana nemurume, ndosaka ari kuita mhirizhonga neni,” anodaro.

Ikwanda anoti Madhuveko aiva shamwari yake yepamwoyo, asi zvakapera nekuti akadanana nemurume wake mazuva aakaenda kumusha izvo zviri kuita kuti afunge kuti vachiri vose.

“Uyu aiva shamwari yangu yepamwoyo. Pandakaenda kumusha murume wangu achisara, ndipo pavakadanana vakamboita sevarambana pandakadzoka asi kunyepa nekuti ndinovaona vari vose,” anodaro.

Madhuveko anoti anoenda kunoita ruzha kumba kwaIkwanda nekuti anenge ava kurohwa nemurume.

“Murume wangu akabva kumba kwake anenge aine hasha achindirova, hameno zvaanenge amuudza saka ndizvo zvinoita kuti ndiende kumba kwake ndichiita ruzha naye nekuti anoziva zvakawanda pamusoro pangu. Ndinenge ndisisazive kuti ataura nezvei,” anodaro Madhuveko.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Ikwanda gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *