‘Siyana neni, ndava nemumwe’

Gabriel Singano
MUKADZI wekuti ari kushungurudzwa neaimbova murume wake achityisidzirwa parunhare akazopotera kudare achiti anofanira kusiyana naye sezvo ave neupenyu hutsva nemumwe murume.

Memory Jongwe akamhan’arira Tedius Chaibva kuHarare Civil Court achiti: “Chikumbiro changu ndechekuti dai murume uyu arega kundiudza mashoko ekundityisidzira panhare nekuti murume wandava naye haazvide uye anotozofunga kuti ndine pfungwa dzekudzokerana naye. Ini ndatove nehumwe upenyu nemurume mutsva saka Chaibva ngaarege kundifonera. Murume uyu akandishungurudza zvakatokwana, ndave neupenyu hutsva.”

Chaibva akaudza dare kuti haasisinei neupenyu hutsva hwaJongwe asi kuti anovavarira kuti mwana wavakaita vose asachengetwe nemumwe murume iye ari mupenyu.

“Changamire, ini ndakapedzisira kufonera mukadzi uyu kare asati ava nemumwe murume uye ndaitodawo kuti tinzwisisane panyaya yemwana watakaita tose. Vavariro yangu ndeyekuti Jongwe andipe hangu mwana wangu nekuti haangachengetwe nemumwe murume ini ndiripo. Iko zvino ndakatonzwa kuti mwana uyu ava kugara naamai vemukadzi uyu. Ko ngaangondipa

mwana wangu,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa gwaro redziviriro kuna Jongwe.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×