Stanbic Bank yakabatsira vanorarama nehusope

VaPalmer Mugavha (kuruboshwe) vachitambidza mishonga inobatsira vanhu vanorarama nehusope kuna Mai Loveness Mainato apo vamwe vaive vakatarisa. -  Mufananidzo: Malven Mugadzikwa
VaPalmer Mugavha (kuruboshwe) vachitambidza mishonga inobatsira vanhu vanorarama nehusope kuna Mai Loveness Mainato apo vamwe vaive vakatarisa. – Mufananidzo: Malven Mugadzikwa

SANGANO reAlbinos Charity Organisation of Zimbabwe (Alcoz) rakapihwa mafuta ekuzora pamwe chete nemishonga inokosha $5 800 iyo ichashandiswa nevanhu vanorarama nehusope nebhanga reStanbic Bank.

Mukuru weAlcoz, Mai Loveness Mainato, vakatenda bhanga iri nerubatsiro urwu.“Rubatsiro urwu rwauya panguva iyo tanga tava padambudziko guru. Ndinoda kutenda veStanbic Bank nekuti vane moyo wekusimudzira vanorarama nehusope sezvo vari vanhu vanotarisirwa pasi neveruzhinji.

“Takanga taisa chichemo ichi kwavari tichiti mafuta akanga ava kupera kune vatinobatsira saka vakanzwawo chikumbiro chedu,” vakadaro Mai Mainato.

“Vanhu vakuru nevana vari mumadhorobha vane mukana wekuti vanombowana rubatsiro kubva kune mamwe masangano pamwe chete nemachechi anovabatsira pachena. Kumaruwa ndiko kune dambudziko guru saka ndiko kwatichaendesa mishonga pamwe chete nemafuta akati wandei. “Kumaruwa kune dambudziko zvakare rekuti hakuna kunotengeswa mafuta aya kwakawanda uye vazhinji havakwanisi kuatenga nekushaya mari.

“Mishonga yatapihwa yakanakira pakuti inodzivirira kuti vanorarama nehusope vasaita gomarara nekuti vazhinji vavo vanga vava kuita maronda ayo anozokonzera gomarara,” vakadaro Mai Mainato.

Vachitaura vakamirira Stanbic Bank, VaPalmer Mugavha, vakati bhanga ravo rine chido chekubatsira vanhu vanotarisirwa pasi uye vane chishuwo chekuramba vachibatsira munharaunda dzakavapoteredza.

“Chishuwo chedu ndechekubatsira vanhu vari munharaunda dzatinoshandira, kunyanya vemapoka anotarisirwa pasi. Vanhu vanorarama nehusope vanoda kugara vachizora mafuta anochengetedza ganda ravo kubva kuzuva kuti vasaita gomarara,” vakadaro VaMugavha.

 

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×