Sweden yakabatsira Zim ne$6m

HURUMENDE yenyika yeSweden yakapa rubatsiro rwemari inosvika US$6 miriyoni kuZimbabwe kuburikidza nesangano reUnicef yekusimudzira budiriro muzvikamu zvakasiyana zvinosanganisira nyaya dzeutano.

Rubatsiro urwu rwuchaita kuti Unicef inge ichigona kufambisa zvirongwa zvayo zvegore ra2012-15 uye kubvira payakatanga kutsigira sangano iri, rutsigiro urwu rwave kusvika US$31,7 miriyoni.

“Nekuda kwerubatsiro urwu, Unicef yakakwanisa kuita zvinhu zvakawanda zviri kusimudzira nyika yeZimbabwe uye ticharamba tichibatsira,” vakadaro Muzvare Maria Selin, avo vanova mukuru wezvekubatana (head of cooperation) kumahofisi anomirira Sweden muZimbabwe.

Kubvira mugore ra2011, homwe iyi yakakwanisa kubatsira mune zveutano, dzidzo, kuwanisa vanhu mvura yakachena nekutsigira vanotambura.

Budiriro yakaburwa kuburikidza nekushandiswa kwemari iyi inoratidzwa nemagwaro e2014 Multiple Indicator Cluster Survey (MICS), ayo anoratidza kuti ndufu dzevana nemadzimai panguva yekusununguka dzakaderera kubva pa96/1 000 mugore ra2009 dzichienda pa61/1 000 muna2014.

Zvakare ndufu dzevana vari pasi pemakore mashanu okuberekwa dzakaderera kubva pa94/1 000 muna2009 kuenda pa75/1 000 mugore ra2014.

Kubaiswa kwevana majekiseni ekudzivirira zvirwere kwakawedzera kubva pachikamu che37% muna2009 kusvika pa69% mugore ra2014. Homwe iyi yakabatsira zvakare mukuwaniswa mvura yekushandisa mudzimba yakachena, zvikuru kumaruwa kubva pachikamu che72,4% muna2009 kuenda pa76,1% mugore ra2014.

Gurukota rezvevashandi nekubatsirwa kwevanotambura, Cde Prisca Mupfumira, vakatenda zvikuru rubatsiro rwakapihwa neSweden.

“Rubatsiro rwatapihwa neHurumende yeSweden rwuchaita kuti Zimbabwe inge ichisimukira muzvirongwa zvayo zvebudiriro,” vakadaro Cde Mupfumira, avo vakafanobatazve chigaro chegurukota rezvekufambiswa nekutepfenyurwa kwemashoko.

Vanoti mari iyi ichabatsira mukusimbaradza nyaya dzeutano, kuwaniswa kwekudya kune utano kuvanhu vanorarama neutachiona hweHIV pamwe nemishonga yemaAnti-Retroviral Drugs kuvana.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mumiriri weUnicef muZimbabwe, VaReza Hossaini, vakakurudzira nyika ino kuti itsvage dzimwe nzira dzinosimbaradza kubatsirwa kwevanoshaya nenguva.

“Kuti Zimbabwe ibudirire pave kudiwa kuti Hurumende inge ichitsvaka nzira dzinoita kuti mapoka anotambura awaniswe rutsigiro nenguva,” vakadaro.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×