Tezvara onzi adzosere mukuwasha pfuma yeroora . . . vakarambira nemwanasikana wavo kwemakore anodarika 20

Lovemore Kadzura

IMWE mhuri yekwaMakoni, mudunhu reManicaland, yakanzi nedare ramambo weko idzosere mukuwasha mari yose yaainge abvisa seroora mushure mekutadza kuendesa mwanasikana wavo kumurume zvisinei nokuti ainge aroorwa makore anoda kusvika makumi maviri adarika.

Mukadzi uyu anonzi akabvisirwa roora mugore ra2006 asi akazoroorwa nemumwe murume.

Izvi zvakabuda mudare raMambo Makoni, apo Don Kwiyo, uyo anogara kuUnited Kingdom, akaendesa Silas Bvekerwa kudare iri achida kudzoserwa mari inosvika US$10 000 yaanoti akakange abvisira Tariro Bvekerwa.

Silas, hanzvadzi yaTariro, aipomerwa mhosva yekuvhiringa urongwa hwokuti Tariro aende kunogara nemhuri yekwaKwiyo kuGokwe.

Kwiyo akaudza dare kuti mushure mekubhadhara roora, hama dzaTariro dzakaramba kumuperekedza kumusha kwake, dzichiti aende naye kuUK, zvinova zvakanetsa nokuda kwekushaya kwake magwaro ekufambisa.

Pakapera mwedzi mina ndipo paakazoziva kuti Tariro akange atoroorwa nemumwe murume, uye akaramba achironda mari yake yeroora kumhuri yekwaBwekerwa.

“Ndakasangana naTariro kuGokwe achangopedza Fomu 4, akandiudza kuti akange achiri mhandara.

“Ndakadzokera kuUK kunotsvaga mari yokuti ndiroore Tariro.

“Takabhadhara zvose zvavainge vataura, sabhuku wemumusha wavo aivepo akarumbidza kuti akange asati amboona roora rakadai kumusha kwavo. Ndakatumirawo Tariro mari nembatya.

“Ndairongawo svitsa tsvene kuti itsigire wanano yechivanhu. Ndaifunga kuti ndiri kuita zvakafanira semukuwasha ane unhu. Handina kuziva kuti kuita kwangu kwaive kusina zvakunoreva uye kusina basa kumhuri yekwaBvekerwa.

“Vabereki vangu vakazokumbira Tariro kuti auye kuzogara navo semuroora wavo.

“Asi hama dzake dzakati vanoda kuti Tariro aende neni kuUK, kwete kune vabereki vangu kuGokwe,” anodaro.

Kwiyo anoti akazorohwa nehana paakaudzwa kuti hama dzaTariro dzakange dzatambira mari yeroora kubva kune mumwe murume.

“Mushure memwedzi mina, ndakadzokera kuZimbabwe, ndikasvikotaura naSilas Bvekerwa, uyo akandiudza kuti mudzimai wangu akange asipo.

“Ndakazovhunduka paakataura asingatyi kuti Tariro akange aroorwa nemumwe murume. Ndakavhiringika pamwe nekurwadziwa panguva imwe cheteyo. Ndaifunga kuti ndiri kurota.

“Ndakakwanisa kuzvidzora zvisinei nehasha dzangu.

“Ndaimuda chaizvo uye ndaida kuti titange mhuri pamwe chete.

“Ndakamuudza kuti neumbavha uhwu vakange vandiparadza. Ndakati ndidzoserwe mari yangu, akati vachandidzosera. Ndadzoka kubva kuUK, ndakamufonera, akati vainge vachiunganidza mari.

“Kumba kwavo ndakashanya kashanu, ndichida kuti ndidzoserwe mari yangu. Ndakarwadziwa nokuti Tariro handina kumbomubata kana kurara naye. Takangokwazisana kamwe chete pamba pedu, ndizvozvo!

“Kwandiri, vanhu ava imbavha. Kusvika parizvino ndiri kutya kuroora chero mukadzi upi zvake. Nyaya iyi yakandibata nevabereki vangu zvikuru.

“Ndakarasikirwa nepfuma yandakabvisa seroora. Panguva iyi dai ndakatenga sitendi ndakavaka parizvino chivakwa chacho chingadai chave kukosha US$200 000,” anodaro Kwiyo.

Silas haana kuramba kuti Kwiyo akange aroora hanzvadzi yake uye kuti havana kumuendesa kwaari.

“Tinomuziva semukuwasha wedu, asi pachangu handina mwana musikana akaroorwa. Muna 2005 handina kumbomuona; murume uyu haatombozivi zita remunhu waakaroora.

“Mumba medu hamuna munhu anonzi Tariro Bvekerwa; anonzi Tariro Magowa. Handisini baba vemukadzi ari kutaurwa nezvake; anongove hanzvadzi yangu yeropa.

“Hongu, ndinozviziva kuti ndiri kumiswa pamberi pedare rino ndichimirira baba vangu.

“Ndinoda kuziva kuti sei andideedza? Anonyepa kuti akaroora 2005; waive uri musi wa29 Ndira 2006. Akatumira nhumwa kunobvisa roora.

“Ini ndakadaidzwa kuti ndive pakati pevafakazi, ndisati ndave mutauriri wenhaurirano kubva ndichiri mudiki. Ngaaudze dare rino kuti sei pavanhu vose vaivepo iye akasarudza kundimhan’arira inini chete.

“Haana kutevera kashanu; akangouya kaviri achida kuti adzoserwe mari yake,” anodaro Silas.

Vamwe sekuru vekumhuri yekwaBvekerwa, avo vasina kuziviswa zita ravo, vakaudza dare kuti Kwiyo akabhadhara roora nemari yemuZimbabwe.

“Kwiyo paakaroora Tariro akadzokera kuUK. Haana kubhadhara roora zvizere uye akabhadhara nemadhora emuZimbabwe mushure mekuchinja mapaunzi pamusika mutema,” vanodaro sekuru ava.

Vakaburitsa gwaro reroora, iro rinotaridza kuti Kwiyo ainge abhadhara Z$69 500 000 yeroora.

Silas anotiwo Kwiyo akazoroora mumwe mukadzi, ndokusiya hanzvadzi yake iyi, izvo zvakazoita kuti atorwe nemumwe murume muna 2011.

Mushure mekuzeya nyaya iyi kwenguva ndefu, Mambo Makoni vakapa mutongo wokuti Kwiyo akaroora Tariro uye mhuri yake haina kumuendesa kwaari sezvinodiwa patsika nemagariro echivanhu.

Dare rakati zvakare mari yeroora yakabviswa naKwiyo yakaenzana nemombe pfumbamwe, nokudaro rakapa mhuri yekwaBvekerwa mwedzi mitatu yokuti vamudzosere mari iyi.

“Nyaya iyi iri pachena. Kwiyo akaroora Tariro, uyo ane vabereki vasina kumugamuchidza, vakazotora roora kubva kune mumwe murume.

“Munyaya yeroora yaburitswa mudare rino nemhuri yaTariro, mari yakabhadharwa naKwiyo yakaenzana neUS$3 150 kana kuti mombe pfumbamwe.

“Kwiyo haana kutora matanho ekumhan’ara nekukasika kubva paakaroora uye haakwanisi kureva imwe mari yepamusoro nokuti kwaisave kutengeserana sezvo iri risiri bhizimusi. Ndiye zvakare akanonoka kumhan’ara,” vanodaro Mambo Makoni.

Mhuri yekwaBvekerwa yakatambira nemufaro mutongo uyu, ndokukumbira ruregerero kuna Kwiyo nezvavakaita.

Mumwe mukuru wemhuri iyi akati vanotenda kuti nyaya iyi yakapera Kwiyo achiri mupenyu sezvo zvaizokonzera kuti mhuri yavo imukirwe nemweya wake, yave ngozi, dai akafa isati yagadziriswa.

Related Posts

Zim yosimbaradza kudzivirira kupararira kweHIV

Muchaneta Chimuka  HURUMENDE iri kutarisira kugamuchira kubva kunze mimwe mishonga yeLenacapavir iyo inobatsira mukudzivirira kutapurirwa hutachiona hweHIV munguva pfupi iri kutevera izvo zvichabatsira veruzhinji vari panyatwa yekutapurirwa hutachiona uhu. Lenacapavir…

Murume (25) aponderwa pabhawa

Kingstone Mapupu MURUME ane makore 25 okuberekwa wekwaSabhuku Mbombela kwaMambo Malisa kuSilobela, kuKwekwe akapondwa achiita zvekutemwa mumusoro nebhodhoro redoro nemumwe murume pabongozozo remubhawa. Nyaya iyi yakaitika nguva pfupi yadarika panzvimbo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×