‘Tinoda rubatsiro’

Abel Ndooka
MUTUNGAMIRI wesangano reWheelchair and Hand Cycling Association of Zimbabwe, Edmund Makutya anoti shasha zhinji dzemujaho uyu dziri kutambura nekuda kweCovid-19 nekudaro vanodawo kuti paumbwe homwe yemari inovatsigira muraramo yavo.

Makutya anoti kare vatambi vazhinji vakaita saiye, Elford Moyo, Wilson Nyakoko, Margret Bangajena naSamson Muroyiwa vaienda kunyika dzakasiyana dziri muAfrica vachinokwikwidza kumijaho yakasiyana yaivararamisa asi zvese zvakambomiswa.

Anoti sevanhu vane rudo nemujaho uyu, iye zvino kugara vasingakwikwidze kuri kuvarwadza zvave kuita kuti vatsvage dzimwe nzira dzekurarama nadzo.

“Chokwadi hupenyu hwaoma manje, isu basa redu ndere kukwikwidza newiricheya manje iye zvino nekumira kwakaita zvinhu munyika nekuda kwecoronavirus zvinhu zvese zvakaenda mudondo.

“Isu taikwikwidza nekuti mutambo watinodisisa uye ndiwo waitiraramisa. Asi iye zvino tave kutotsvaga dzimwe nzira dzekutiraramisa,” anodaro Makutya.

Anoti vari kuchema kuHurumende kuti paumbwe homwe yemari inovabatsira.

“Isu tinongoshuvira kuti dai tapihwawo kachidimbu kemari yeRelief Fund tabatsirika shuwa nekuti inotibatsira zvikuru muhupenyu hwedu.

“Kutaura kuno vamwe vedu vapererwa asi vane mukurumbira vanotomboenda vachinokwikwidza kunze kwenyika vachiunza menduru dzakawanda,” anodaro Makutya.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×